Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti Ndivo Vave paNyanga Sezvo Vachiti Vakakunda Zvine Mutsindo


VaDouglas Mwonzora

VaDouglas Mwonzora vanoti vakasarudzwa zviri pachena kutsiva mushakabva Morgan Tsvangirai semutungamiri webato reMDCT pakongiresi yechimbichimbi yakaitwa nemusi weSvondo.

VaMwonzora vakakunda Muzvare Thokozani Khupe, VaElias Mudzuri pamwe naVaMorgan Komichi pakongiresi yechimbichimbi yekutsiva mushakabvu Tsvangirai.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti vakakunda zviri pachena kunyange vakakundwa ava vari kugunun’una kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka uye Muzvare Khupe vachiti vambomisa VaMwonzora basa.

Asi Amai Khupe vakaudza vatori husiku hweSvondo kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka vachiti VaMwonzora vakashandisa chikiribidi kuti vakunde musarudzo idzi.

Izvi zvatsinhirwa neumwe wevaikwikwidza musarudzo idzi VaElias Mudzuri avo vatiwo mhirizhonga nekusavhota zvakanaka kwevanhu vaifanira kuvhota zvinhu zvisingatarisirwe mubato rakaita seravo.

VaMudzuri vati havasi kutambira zvakabuda musarudzo dzanezuro vachiti chavekudikanwa ndechekuti vagare pasi sehutungamiri hwebato kuti vaone kuti votora matanho api.

Mibvunzo yatatumira Muzvare Khupe nevamwe vakakwidza musarudzo idzi VaMorgen Komichi yanga isati yapindurwa.

Zvichakadaro, VaMwonzora vati vatotanga basa rekuumba musangano wavo kubva zvino zvichienda mberi vakati zviri kutaurwa nevakakundwa musarudzo zvinhu zvisina musoro.

Tichiri panyaya iyi, nhengo yekomiti yepamusoro muMDC Alliance, VaLovemore Chinoputsa, vaudza Studio 7 kuti kongiresi yakaitwa neMDCT haisi pamutemo sezvo vachiti paive nevanhu vashoma panevanofanira kunge varipo.

Vane ruzivo nezviri kuitika muMDCT vanoti kusafamba zvakanaka kunonzi kwakaita kongiresi yebato iri kunogona kusiya bato iri ratsemuka zvakare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG