Accessibility links

Breaking News

Mutongi weDare VaNemadire naMeya weHarare VaMafume Vomiswa paMberi peDare


Meya weHarare VaJacob Mafume
Meya weHarare VaJacob Mafume

Mumwe mutongi wedare remajisitiriti, VaMorgan Nemadire, vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuita zvehuwori vari pabasa vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutongi wedare ramejastiriti VaNgoni Nduna vakabhadharisa VaNemadire zvuru zvishanu zvemadhora zvemaRTGS kuti vatongwe vachibva kumba uye vanzi vadzoke kudare zvakare musi wa3 Kukadzi.

Vanziwo vagare pakero yavakapa, vasataure nevafakazi pamwe nekuti vaisye magwaro avo ekufambisa kuna mabharani wedare.

VaNemadire vari kupomerwa mhosva yekupa mutongo wakareruka, wefaindi yemazana manomwe nemadhora kune chimwe zvarwa cheku Venezuela chakapinda munyika gore rapfuura chiine makirogiramu mashanu ezvinodhaka zvisingabvumirwe kana kuti cocaine yaikosha zvuru mazana mana nemakumi matanhatu nemapfumbamwe ekuAmerica kana kuti US$469, 000.

Mushure memutongo uyu, Muzvare Delcy Deymar Rodriguez Guererro, uyo ainge apinda muZimbabwe achibva kuBrazil akabva adzorerwa kunyika kwake.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mutongo uyu hauna kufadza veSpecial Anti-Corruption Unit kana kuti SACU avo vanoshanda vari muhofisi yemutungamiri wenyika vakabva vatanga kuongorora nyaya vachibatsirwa nemapurisa izvo zvakazoita kuti VaNemadire vasungwe.

Mune imwewo nyaya yange iri kumatare yakaendeswa neSACU nemapurisa, dare repamusoro reHigh Court rakatadza kunzwa chikumbiro chameya weHarare, VaJacob Mafume, chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yehuori.

Mutongi VaBenjami Chikowero vange vakatarisirwa kunzwa chikumbiro chaVaMafume asi izvi hazvina kuzoitika sezvo, vachuchusi panyaya iyi vaudza dare kuti vange vasati vagadzira mhinduro yavo pachikumbiro chaVaMafume.

Magweta aVaMafume akakwidza chikumbiro chavo kudare musi wa23 Zvita asi vachuchusi vaudza dare kuti vaona chikumbiro ichi nhasi uye vanoda nguva yekugadzira mhinduro yavo. Gweta raVaMafume, VaTonderai Bhatasara, vanotsanangura kuti nyaya iyi yave kuzonzikwa neChipiri.

Musi wa17 Zvita, dare ramajisitiriti rakanyima VaMafume mukana wekubvisa mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekuti vakapindira pakuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwa yekuti vakaita huori pakupa nzvimbo yekuvakira hanzvadzi yavo Rotina Mafume uye munyori kukambani yavo Rutendo Muvuti.

Mutongi wedare VaNgoni Nduna vakati VaMafume vanogona kuramba vachipindira mukuferefetwa kwenyaya dzavo kana vakabhadhariswa mari yechibatiso. Nyaya yaVaMafume ichaenderera mberi kudare ramajisitiriti musi wa28 Ndira gore rinoouya.

Mune imwewo nyaya, dare rakatadzawo kunzwa nyaya yemudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, Allan Moyo, uyo akasungwa musi wa7 Zvita nevamwe vake vachipomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuratidzira zvine mhirizhonga.

Kunyange hazvo vamwe vaakasungwa navo vanomwe vakabhadhariswa mari yechibatiso nedare ramajisitiriti, Moyo, akanyimwa mukana wekuita izvi dare richiti aigona kutiza nyaya yake isati yanzwikwa.

Gweta raMoyo, VaObey Shava, vati chikumbiro chake chekuti abhadhare mari yechibatiso kuti atongwe achibva kumba change chichifanira kunzikwa nhasi uye vashamiswa kuona nyaya iyi isiri pamberi pedare.

Moyo nevamwe vake vanonzi vakaenda kunzvimbo inokwirirwa mabhazi yeCopacabana muHarare musi wa3 Chikunguru, apo vakakurudzira vanhu vaikwira mabhazi kuti varatidzire vachiti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vabviswe pachigaro nekuti vatadza kutonga nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG