WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vambenge vachitsika madziro vachiramba kusaina mabhiri anoti rekubatsira vanhu munguva yeCovid nekuti hurumende irambe ichishanda vazoita izvi vari kuFlorida uko vari pazororo.
VaTrump vambenge vachiti havasi kuda kusaina mabhiri aya kusvika vanhu vapihwa zvuru zviviri zvemadhora pamunhu semari yekubatsirikana munguva yeCovid-19 kwete madhora mazana matanhatu akatenderanwa nedare reCongress.
Facebook Forum