Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

VaBiden Vanotaura Pamusoro peZvavaita Mugore Ravo reKutanga Vari paNyanga

UKRAINE-CRISIS/BIDEN

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazvirova dundundu nezuro vachiti kunyange hazvo gore ravo rekutanga vari muhofisi ranga riine zvipingaidzo zvakawanda, pane budiriro dzakawanda dzavakakwanisa kuita.

VaBiden vakati vakakwanisa kuti pave nemutemo wekurwisa denda reCovid-19 uchitsigirwa nemari inoita US$1.9trillion pamwe nekuva nemutemo wekuvandudza zvivakwa paine mari inoita US$1 trillion.

VaBiden vakatiwo huwandu hwevanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 hwakakwira mugore ravo rekutanga vari panyanga.

JOE BIDEN ONE YEAR
JOE BIDEN ONE YEAR

Asi vakaratidza kushushikana kukuru nebhiri remutemo weBuild Back Better Bill, iro rakatambirwa nedare repasi, asi ranetsa kuti ribudirire mudare reSeneti.

Vakati bhiri iri, iro rine chinangwa chekubatsira vanhu munguva yematambudziko, rinogona kupatsanurwa, vakabvumawo kuti hurumende yavo yaifanirwa kunge yakawedzera mutsindo mukusimudzira kuwanikwa kwezvikwanisiro zvekuvheneka chirwere cheCovid-19.

VaBiden vakati chimwe chinhu chivasina kuita kusvika pari zvino, kwaiva kusakwezva madzishamwari avo mubato reRepublican Party kuti vapinde muhurongwa hwekuti zvinhu zvive nani munyika.

VaBiden vakatiwo vanofunga kuti Russia ichapinda zvechisimba mu Ukraine, vachiti America nemadzisahwira ayo ine zvirango zvisati zvambowonekwa zvayakagadzirira kutemera Russia kana ikaita izvi.

Asi Russia iri kuramba kuti ine hurongwa hwekupinda nechisimba muUkraine kunyange hazvo yazadza mauto ayo pamuganhu wayo neUkraine.

Vachitaura pamusoro pedenda reCovid-19 vari pamuzinda wavo we White House, VaBiden, avo vakamboshanda semutevedxzeri wemutungamiri wenyika munguva yaBarrack Obama, vakazivisa kuti zvikoro zviri kuvharwa nepamusana peCovid-19 zvishoma, vachiti zvikoro zvinoita zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana, hazvina kuvharwa. Vakati hurumende yavo iri kuita zvose zvainogona kuitira kuti denda reCovid-19 risaramba richishungurudza nyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachidzidzisa zvemabhizimisi paDeVry University, kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti VaBiden vakataura zvinhu zvinoda kunzwikwa nevanhu vazhinji muAmerica.

Muzvinafundo Masocha vanoti VaBiden vakaedza zvikuru kuda kugadzirisa zvinhu munyika kuburikidza nekuwana rutsigiro rwemari.

Asi vanoti zvimwe zvishuviro zvaVaBiden zviri kutadza kubudirira sezvo vasiri kuwana rutsigiro rwenhengo yebato ravo mudare reSeneti, Senator Joe Manchin, avo vane vhoti yakasimba mudare iri.

Sen. Joe Manchin
Sen. Joe Manchin

VaBiden vakakatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira 2021 vachitora basa raiva raVaDonald Trump, avo vakakunda musarudzo dzakaitwa muna Mbudzi 2020.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


America Yorangarira Mabasa Akaitwa neMurwiri weRusununguko Dr Martin Luther King Jr.

America yakarangarira nemusi weMuvhuro mabasa akaitwa nemurwiri werusununguko nekodzero dzevanhu vose munyika iyi, muchakabvu Dr Martin Luther King Jr.

Dr King vakaita mabasa aya panguva iyo vanhu vatema vakange vakadzvinyirirwa mu America vasina masimba ekuvhota uye vachiitirwa rusarura ganda.


Nyanzvi yezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 kuti Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda kubva kumabasa akabatwa na Dr King ekurwira kodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaBiden Voshora VaTrump neKukonzera Kusagadzikana muAmerica neKuramba Kutambira Zvakabuda Musarudzo yeMutungamiri weAmerica

VaJoe Biden

America yasvitsa neChina gore rimwe chete kubva zvakaitika mhirizhonga inotyisa padare reCongress muWashington DC vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vachiramba kutambira zvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvichitevera kukunda kwakaita VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chiitiko ichi chakasiyana America isisina chiremera pasi rose panyaya dzekugamuchidzana masimba murunyararo uye hutongo hwejekerere.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vange vari mudare reparamende reUS Capitol muWashington DC vachishora zvikuru zvakaitika musi wa 6 Ndira Izvi. VaBiden vati zvakaitika zvakadzosera kumashure hutongo hwejechetere.

Amai Harris vatiwo zvakaitika musi uyu zvinoratidza kuti hutongo hwejekerere hunofanira kubatwa sezai sezvo huchigona kupwa sedova.

VaTrump vainge vambovimbisa kupawo divi ravo kumba kwavo kuMar-a-Lago, Florida, asi havana kuzoita izvi asi vachiri kungoramba havo kutambira zvakabuda musarudzo.

Dunhu rakanetsawo rairamba kutambirwa naVaTrump zvakabuda musarudzo dzaro ndere Pennsylvania uko kwakaberekerwa VaBiden.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu iri, VaNicholas Mada, avo vanoona nezvekurongwa kwemisangano mubato reMDC Alliance muno muAmerica, vati vari kufara kuti zvaida kuitwa naVaTrump zvekuti sarudzo dzemudunhu iri dzisatambirwe, zvakakona n’anga murapwa achida.

Vachipawo pfungwa dzavo, mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvakaitika muAmerica zvinonyadzisa uye nyika iyi haifanire kuda kuzviita muzivi wezvose panyaya yehutongi hwejekerere.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reZImrights, VaDzikamai Bere, vanoti zvakaitika muAmerica zvakaratidzawo chimwe chinhu chikuru chekuti mutungamiri wenyika haasi pamusoro pemutemo.

Vanhu vatanhatu kusanganisira mumwe mupurisa vakafa nezvikonzero zvakasiyana siyana mumhirizhonga iyi.

Vamwe vanhu vanosvika mazana manomwe vakaendeswa kumatare mushure mekunge vabatwa nematikitivha eFBI ayo ari kuferefeta nyaya iyi.

Muchuchusi mukuru wehurumende yeAmerica, VaMerrick Garland, vanoti vari kuzoita zvose zvavanokwanisa kuti vose vane chekuita nemhirizhonga iyi vamiswa pamberi pematare edzimhosva.

Dare reHouse of Representatives rakaumbawo komiti ine nhengo kubva kumapato ose ari mudare iri kuti iferefetewo zvakaitika kusanganisira zvakaitwa naVaTrump pamwe nezvavasina kuita zvavaitarisirwa kuita semutungamiri wenyika panguva iyi.

Vane ruzivo nezvenhoroondo yeAmerica vanoti mhirizhonga yakaitwa nevatsigiri vaVaTrump yakapedzisira kuonekwa makore mazana maviri nemasere adarika apo musi wa 24 Chikumi 1814 munguva yehondo pakati peBritain neAmerica, mauto eBritain akapinda muWashington DC ndokupisa dare reUS Capitol uye muzinda wemutungamiri wenyika nezvimwe zvivakwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Chando neCovid-19 Zvokonzera Kukanzurwa kweZviuru neZviuru zveNzendo dzeNdege

HEALTH-CORONAVIRUS/TRAVEL

Kusvika masikati ane zuro, Svondo, nzendo dzaifanirwa kuitwa nendege dzinoita zviuru zviviri nemazana matatu (2,300) dzakanga dzakanzurwa nepamusana pechando chakawandisa, kutonhora uye nedenda reCovid-19.

Nemusi weMugovera, nzendo dzengege dzinoita zviuru zviviri nemazana manomwe (2,700) dzakakanzurwa muAmerica uye nzendo dzinoita zviuru zvina nemazana manomwe (4,700) dzakakanzurwa pasi pose.

Matunhu mazhinji ari pakati peAmerica akatarisana nechando chakaipisisa chiri kutadzisa mabasa mazhinji kuti aitwe, kusanganisira kufamba kwendege. Izvi zvakakonzera kuti zviuru nezviuru zvendege dzisabvumidzwa kubhururuka.

Ukuvo denda reCovid-19 rakavhiringa vashandi vazhinji vanoshanda mundege zvokuti vashandirwi vakatanga kukurudzira vashandi kuti vashande maawa mazhinji kusvika mwedzi unouya vachitambiriswa mari yakapetwa katatu pane yavanositambira.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kunaya kwechando nekupararira kwedenda reCovid-19 hazvisi kukanganisa mafambiro evanhu chete asi kuti zviri kukanganisa zvemabhizimisi nezvehupfumi hwenyika izvo zvichiri kuremerwa nekubuda mudambudziko rekumbovhara kwemwedzi mizhinji, zvakakonzerawo kuvharwa kwemabhizimisi mazhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaJoe Biden Vanoti Varwadziwa Zvikuru neRufu rwa Archbishop Desmond Tutu

Bishop Desmond Tutu

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemudzimai wavo, Amai Jill Biden, vanoti varwadziwa zvikuru kunzwa nezvekufa kwaArchbishop Desmond Tutu, vachiti mufi ange akazvipira mukunamata uye aine chido chekuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe.

VaBiden vati vakaropafadzwa zvikuru mukuwana nguva yekuzivana naVaTutu kwemakore akawanda, vachiti kuzvipira kwavo nehushingi hwavo mukurwira kodzero dzevanhu kwakakurudzira America kuti ivandudze maonero ayaiita hurumende yerusaruraganda, kana kuti Apartheid, muSouth Africa.

Archibishop Tutu vakashaya nemusi weSvondo vava nemakore makumi mapfumbamwe.

Baba naAmai Biden vati vakafara zvikuru pakushanyira VaTutu panguva yeWorld Cup yegore ra2010, vachitizve mwedzi mishoma yapfuura, vakabatana nedzimwe nyika mukupemberera kusvitsa kwaVaTutu makore makumi mapfumbamwe.

Munyori mukuru musangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vanoti vafundisi vazhinji vanokurudzirwa nemabasa aVaTutu zvekuti vazhinji mukati mavo vari kushanda nesimba vachitevedzera mabasa aVaTutu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG