Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Foster Dongozi, Ovigwa kuSanyati neMugovera


Foster Dongozi

Mutori wenhau, Foster Dongozi, uyo akashaya nemusi weChitatu achingosvika pachipatara cheParirenyatwa, havachakwanisi kuvigwa nevamwe vake vatori venhau sezvo Dongozi achinzi akafa nechirwere cheCovid-19.

Vachizivisa nezvekuradzikwa kwaDongozi neMugovera, sachigaro veZimbabwe Editors Forum, VaDumisani Muleya, vanyora pa twitter yavo vachiti Dongozi acharadzikwa neMugovera kuSanyati, asi vatori venhau vachatadza kumuradzika zvichitevera kuziviswa kwavaitwa kuti mumwe wavo akafa nechirwere cheCovid-19.

Dongozi ndiye anga ari munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists paashaya.

Dongozi akashandira makambani enhau akati kuti anosanganisira The Chronicle, The Standard Newspaper, Studio7 yeVoice of America neDaily News.

Dongozi akashandawo nemasangano anoti Southern African Journalists Association, Federation of African Journalists ne International Federation of Journalists.

Mutori wenhau uyu akashaya ava nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG