Vagari vakawanda kwaMpandawana kwaGutu vanoti vari kutyira kubatwa nezvirwere zvakaita seCholera sezvo vave nemasvondo anodarika matatu vasina mvura mudzimba dzavo zvichinzi mushina unopomba mvura wakafa
Mutongi wedare reHigh Court muBulawayo, Justice Christopher Dube-Banda, vati chikumbiro chevaive murongi wemabasa muMDC T, VaAbednico Bhebhe, chichazonzwikwa pazuva ravasina kutara,
Vanhu Vakawanda vanoti gore rino hapana zvakawanda zvichaita kuti vapembere sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa nepamusana pedambudziko rechirwere cheCovid-19.
COVID-19 vaccinations began Tuesday in Arizona, California and Illinois
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vasamanikidza Reserve Bank of Zimbabwe kudhinha mari sezvo mari iri mubhajeti renyika isiri kukwana.
Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 muHarare nemusi weChina zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kusvika pamazana matatu ane gumi kana kuti 310.
Munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti hurumende ikoshese nyaya dzehutano pamwe nekugadzira hupfumi kuti vanhu vawane mabasa vaswera vachikorokoza.
Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, achange achifurwa nemhepo kukutanga zvichitevera kupihwa mukana kwaaitwa nedare redzimhosva kuti anoongororwa ku South Africa kwemazuva makumi maviri nerimwe.
Kwemakore matatu, Mozambique yange ichirwisana nevarwi vanopfurikidza mwero ve Ahlu Sunna Wa Jama vanehukama ne ISIS uye varikurwira kuumbwa kwenyika iri pasi pechitendero chechi Moslem.
Mutambi wemuZimbabwe Tino Kadewere akwidza chikwata chake cheLyon pamusoro petafura yeFrench Lique 1.
Nhengo mazana mashanu nemakumi matatu nemasere kana kuti 538 dzedare rinozivikanwa nekuti Electoral College dzatanga kuvhota nhasi kuti dzisarudze zviri pamutemo vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuMozambique nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC mukuyeza kurovana masoro panyaya yehondo iri munyika iyi.
Rodhai zvimwe