Accessibility links

Breaking News

VaMnangangwa Vozeya neVamwe muSADC nezveKubatsira Mozambique muHondo neISIS


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vange vari kuMozambique nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC vachizeya nyaya yehondo iri munyika pakati pehumende nevanopfurikidza mwero vachitsigira ISIS.

VaMnangagwa vari muMozambique nevatungamiri vedzimwe nyika dzemuSAD vanoti VaMokgweetsi Masisi vekuBotswana vanova sachiaro weSADC Troika nemutevedzeri vavo VaCyril Ramaphosa vekuMozambique uye mutungamiri wenyika iyi VaPhillip Nyusi.

Musangano uyu uri kutevera umwe wakaitwa nevatungamiri ava kuBotswana mwedzi wapera kuo vakazeya nzira dzekupedza hondo yauraya vanhu vanodarika zvuru zvitatu mudunhu reCabo Del Gado muMozambique.

Sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaKindness Paradza vati zvakakosha kuti Zimbawe ibatsire Mozambique.

Vachipawo maonero avo panyaya iyi, munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato reMDC Alliance Muzvare Gladys Hltywayo vatiwo zvakakosha kuti zvose zviri uitwa zviitwe zviri pamutemo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reMass Public Opinion Institute, Muzvinafundo Eldred Masunungure vanoti nyika dzose dzinofanirwa kuwirirana padanho rinofanirwa kutorwa.
VaMasunungure vanoti hapana nyika inofanirwa kuita zano ndega sezvakamboita Zimbabwe payakaenda kunobatsira Democratic Republic of Congo pasina kuwirirana nedzimwe nyika.

Izvi zvatsigirwa nevanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development Initiative in Zimbabwe, VaClaris Madhuku.

Izvi zvatsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Ibbo Mandaza vanoti nyika.

Zvichakadaro, mumirii weAmerica munyaya dzekurwisa vanopfurikidza mwero ava kana kuti Ambassador at Large and Cordinator for Counterterrorism VaNathan Sales vari kuyambira kuti hondo yekuMozambique inogona kupararira kuenda kune dzimwe nyika dzemuSADC ichikanganisa magariro evanhu nenyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanya kuMozambique neSouth Africa svondo rapera, VaSales vanova zvekare nhumwa yemutungamiri wenyika yeAmerica kana kuti US Special Presidential Envoy to the Global Coalition to Defeat ISIS vanoti America yakagadzirira kushanda neSADC kurwisa chikwata ichi sezvo hondo iyi yapararirawo kusvika kuTanzania.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG