Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chodzoka Zvine Hukasha Apo Vakawanda Vamira Kuzvidzivirira


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 muHarare nemusi weChina zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kusvika pamazana matatu ane gumi kana kuti 310.

Nemusi weChitatu wakare vanhu zana nemakumi matanhatu nevana kana kuti 164 vakabatwawo nechirwere ichi. Vanhu vose ava havana nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.

Izvhi zvave kureva kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika parizvino hwave zvuru gumi nechimwe zvine mazana mashanu nemakumi maviri nemaviri kana kuti 11, 522.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zvuru zvipfumbamwe nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 9, 599 mushure mekunge vamwe vanhu makumi mana nevashanu vapora nezuro. Vanhu vachiri kurwara churu chimwe chete nemazana matanhatu ane gumi nevatatu kana kuti 1, 613.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti chirwere ichi chadzoka kechipiri zvine mutsindo kana kuti second wave sezvo huwandu hwacho hwawedzera zvakanyanya.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevarwere kana kuti Community Working Group on Health VaItai Rusike vanoti vanhu vakawanda havachaterere kurudziro yekuzvidzivirira kubva kudenda iri zvopa kuti vakawanda vabatwe nechirwere ichi.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana mana, kana kuti 2,4 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi mashanu nemanomwe ane makumi mashanu nevanomwe kana kuti 57, 057. Vapora vadarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica yose.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere che coronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi manomwe nematatu ane zvuru mazana manomwe, kana kuti 73, 7 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vadarika zviuru mazana matatu ane zvuru zvitatu kana kuti 303, 000 kuchitiwo vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nematanhatu ane zviuru mazana manomwe kana kuti 16, 7 miillion.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu, kana kuti 1, 6 million, asi vapora vachidarikawo mamiriyoni makumi mana nerimwe ane zvuru mazana manomwe.

Vanhu vapora pasi rose vave mamiriyoni makumi mana nemanomwe ane zvuru mazana matatu kana kuti 47,3 million.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG