Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira VaMthuli Ncube Kuti Vasamanikidze RBZ Kudhindha Mari Sezvo Bhajeti Riri Nhava Izere Mhepo


Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube
Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vasamanikidza Reserve Bank of Zimbabwe kudhinha mari sezvo mari iri mubhajeti renyika isiri kukwana.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe Doctor Israel Murefu vanoti zviri nani kuti VaNcube vakwerete mari kunze pane kuti vati idhindwe kuRRBZ sezvo zvichizokanganisa hupfumi.

Izvi zvinotevera kuparurwa kwebhajeti naVaNcube mukupera kwemwedzi wapera remari inosvika mabhiriyoni mana nemakumi maviri nerimwe kana kuti ZW$421 billion.

Asi mari yaidiwa nemapazi ose ehurumende inonzi inosvika trillion imwe chete yemadhora. Mapazi akaita seremitemo, kuburitswa kwemashoko uye hutano akatozivisa dare reparamende kuti mari yavakapihwa ishoma zvikuru.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanoti bhajeti raVaNcube inhava izere mhepo nekuti mari inosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana haina kunyatsojekeswa kuti ichabva kupi.

Asi vachipa pfungwa dzavo, vaimbova mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce VaCallisto Jokonya vanoti havaone paine chakaipa pane zvakaparurwa naVaNcube vachiti vari kukurudzira Zimbabwe kuti igadzire nekukwenenzvera zvinhu zvayo zvakaita sezvirimwa nezvicherwa zvinozounza mari yakawanda munyika kana zvatengeswa.

Nyanzvi munyaya dzemabhanga VaGilbert Muponda vatiwo bhajeti rakaturwa naVaNcube rakanaka chose sezvo ari mavambo chete paine mukana wekuti zvishuviro zvirimo zvidzadzikiswe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG