Accessibility links

Breaking News

Chin'ono Oenda kuSouth Africa Kunorapwa


Hopewell Chin’ono
Hopewell Chin’ono

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, achange achifurwa nemhepo kukutanga zvichitevera kupihwa mukana kwaaitwa nedare redzimhosva kuti anoongororwa ku South Africa kwemazuva makumi maviri nerimwe.

Dare rati Chin’ono apihwe pasipoti yake kuitira kuti ashanye kudunhu re Gauteng uko change achiongororwa hutano hwake.

Dare rati raona zvakakodzera kuti Chin’ono apihwe mukana wekuvhenekwa navana chiremba vake, uye izvi zvichaitwa mukati memazuva makumi maviri nerimwe chete.

Aka ndekekutanga Chin’ono kubvumidzwa kubuda kunze kwenyika kubva paakasungwa achipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga.

Mune mumwe mutongo warapawo nhasi,dare repamusoro ratura mutongo wekuti Amai Beatrice Mtetwa vadzoke kuve gweta rinomirira Chin’ono pamhosva yaari kupomerwa.

Mutongi wedare repamusoro, VaHappias Zhou, vati Amai Mtetwa varambe vari gweta raChin’ono, uye VaNgoni Nduna vasave nechekuita nenyaya yaChin’ono.

VaNduna vakatura mutongo wekuti Amai Mtetwa vasave nechekuita panomiswa Chin’ono mudare mushure mekunge vapomerwa mhosva nevachuchisi venyaya iyi yekuburitsa pandandemutande reFacebook zvaiitika mudare kunyange hazvo Amai Mtetwa vairamba mhosva iyi.

VaZhou vati hapana humbowo hunoratidza kuti Amai Mtetwa, avo vanoti havasi paFacebook vakanyora papeji reFacebook rinonzi “Beatrice Mtetwa and the Rule of Law” iro rinonzi naChin’ono ipeji refirimu raakaita nekambani yeBoston Videos yekuMassachusetts kuAmerica pamusoro pebasa raAmai Mtetwa.

Mutongi wedare ati Chin’ono anofanira kumirirwa negweta raanoda uye vati Amai Mtetwa vanofanira kuita basa ravo rehugweta vakasununguka.

Mutongo waturwa nedare unorevawo kuti Chin’ono ave kuzomirirwa negweta raanoda pachatanga kutongwa nyaya yake musi waNdira 18. VaZhou vatiwo VaNduna vageze maoko panyaya yaChin’ono mushure mekunge Chin’ono akwidza nyaya iyi kudare repamusoro achiti haatarisiri kuti VaNduna vangatonga nyaya yake zvakanaka sezvo achiti vakaratidza kuti vane divi ravakarerekera. Izvi zvinoreva kuti nyaya yaChin’ono yave kuzotongwa neumwe mutongi asiri VaNduna.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaDoug Coltart, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

VaColtart vati vari kutarisira kuti nyaya yaChin’ono ichatongwa zvakanaka vachiti Amai Mtetwa vakanga vagara vasigakodzere kubviswa panyaya yaChin’ono naVaNduna.

Chin’ono ari kupomerwa mhosva yekushandisa dandemutande rake reTwitter kukurudzira kuti veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati mukuratidzira kwakanga kwashevedzerwa nesangano reJuly 31st Movement musi waChikunguru 31 uko kusina kuzobudirira zvichitevera kusungwa kwakaitwa mutungamiri wesangano iri, VaJacob Ngarivhume pamberi pekuratidzira kwavakange vashevedzera uku.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG