Hurumende, kubudikidza neBroadcasting Authority of Zimbabwe, yakazivisa kuti yapa marezenisi kunhepfenyuro nhatu dzemumanharaunda dzinoti Nyangani Community Radio Trust, Ntepe-Manama Community Radio Trust pamwe neThe Mbembesi Development Trust.
Munyori anoona nezvematunhu MU MDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka mumaguta nemadhorobha ese munyika nekuti hurumende iri kupindira zvakanyanya MUkufambiswa kwebasa mumakanzuru aya.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari nhengo yebato reZanu PF, Va Simba Mujuru, vanoti havawoni pane chinotadzisa mutungamiri mutsva weAmerica, Va Joe Biden, kuti vagadzwe zviri pamutemo mwedzi unouya.
Mumwe chiremba anoshandira muNew York, Dr Monalisa Muchatuta, vanove chizvarwa cheZimbabwe vanogara muAmerica vanoti vari kufara kuve mumwe wevanhu vekutanga kubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 sezvo vakamborwara nechirwere ichi.
VaZhou vanoti vanotya kuti vashandi vanozopomerwa mhosva yekuti vatadza kuita basa munguva yakatarwa ivo vasina zvikwanisiro zvacho.
Dare ramejasitiriti ranyima meya weHarare, VaJacob Mafume, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukanganisa mafambisirwo enyaya mumatare.
Kanzuru yeguta reBulawayo ichakwidza mitero nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakumi manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nemufaro nevagari vakawanda.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munharaunda yeWashington D.C. zvakabatana zvakaumba sangano idzva rinonzi Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area, kana kuti COZDA, iro richange richibatsira kubatanidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nekune dzimwe nyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vanoti vari kufara zvikuru nemakurokota adomwa naVa Joe Biden kuti vange vachishanda navo gore rino uya.
Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati pehurumende nebato guru rinopikisa reMDC Alliance nezvekupwanywa kwedzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo kuBudiriro, Zimre Park nedzimwe nzvimbo kunyangwe mvura iri kunaya.
NeChitatu, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaita mabiko emanheru ekuparura zviri pamutemo bhuku rakanyorwa neumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, avo vachangodzoka kubva kuChina kwavakange vaenda kunorapiwa.
Rodhai zvimwe