Musangano wakanangana nekuenzanisa mikana pakati pevanhukadzo nevanhurume uri kuenderera mberi kumuzinda weUnited Nations kuNew York. Musangano uyu unozi Commission on the Status of Women (CSW) ndiwo musangano mukuru unozeya nezvekodzero dzemadzimai nevanasikana pasi rose.
MuZimbabwe madzimai ari kugunun’unawo kuti pane zvakawanda zvinokuitwa kuti madzimai asimudzirwe.
Masangano akaita seGirl Child Network, UNICEF, Shamwari yeMwanasikana nemamwe anoti mimwe mitemo iri kuvandudzwa asi nguva zhinji hapana anoitevedzera.
Vari kutungamira chikwata cheZimbabwe kumusangano uyu Amai Monica Mutsvangwa vanova gurukota rezvemadzimai vaudza Studio 7 kuti misangano yakadai yakakosha sezvo panenge pachipanganwa mazano.
"Tiri kutarisira kudzidza zvakawanda kumusangano uyu kuti tigokwanisa kugadzirisa matambudziko ari kusangana nemadzimai nevanasikana vari kuroodzwa vasati vabva zera," Amai Mutsvangwa vaudza Studio7.
Forum