Accessibility links

Breaking News

VaMafume Vanonyimwa Mukana Wekuti Vabvise Mari yeChibatiso


Jacob Mafume
Jacob Mafume

Dare ramejasitiriti ranyima meya weHarare, VaJacob Mafume, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekukanganisa mafambisirwo enyaya mumatare.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chaVaMafume chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso, mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati VaMafume vanogona kuramba vachivhiringidzana nevafakazi kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.

VaNduna vati kunyange hazvo vachuchisi vakatadza kugutsa dare pavakati VaMafume vaisazomirira kutongwa kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo, humbowo huri pamberi pedare hunoratidza kuti VaMafume vakaridzira nhare VaEdgar Dzehonye kuti vasangane vakasangana navo pamwechete naVaAddmore Nhekairo ivo vachiziva kuti VaDzehonye naVaNhekairo vafakazi pane imwe nyaya yavari kupomerwa yekuita zvehuori mukanzuru yeHarare.

VaNduna vatiwo zviri pachena kuti VaMafume nevafakazi vaviri ava vaiitaura zvine chekuita nenyaya yavo iri mumatare sezvo pavafakazi vaviri ava pane akafonera mapurisa zvakazoita kuti VaMafume vasungwe vari panzvimbo yavakasanganira nevaviri ava.

Nokudaro, VaNduna vati nzira inoita kuti VaMafume vasarambe vachivhiringidzana nevafakazi kugara mujeri kudzamara nyaya yavo yatongwa.

Gweta raVaMafume, VaTonderai Bhatasara, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

VaBhatasara vatiwo vave kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

VaNduna vati VaMafume vagodzoka kudare musi waNdira 28 zvichireva kuti vachatamba zororo reKisimusi negoredzva vari mujeri.

Mune imwewo nyaya iri mumatare, VaNduna vapfuudzira mberi kusvika mwedzi unoita kutongwa kwemumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe nevamwe vavo vaviri vanoti Muzvare Cecillia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova mushure memutongo wedare repamusoro reHigh Court wakaturwa naVaHappias Zhou wekuti kutongwa kwaMuzvare Chimbiri naMuzvare Marova uko kwanga kuchifanira nhasi kumbomiswa kudzamara chikumbiro chakasvitswa kudare nenhengo dzeMDC Alliance idzi chanzwikwa.

Nhengo idzi dzakaenda kudare repamusoro dzichiti dzinoda kutongwa pamwe chete zvichitevera mutongo wakaturwa naAmai Bianca Makwande wekuti Muzvare Mamombe vatongwe vari pavo vega.

Zvaitika mudare zvatsinhirwa negweta ravo VaAlec Muchadehama avo vati kupatsanura kutongwa kwevasungwa avo kunorebesa nyaya yekushungurudza vasungwa.

Dare ramejasitiriti rakapatsanura kutongwa kwaMuzvare Mamombe nevamwe vavo vaviri mushure mekunge ana chiremba vakati Muzvare Mamombe havafanire kumiswa pamberi pedare vachitongwa kudzamara vave kunzwa zvakanaka.

Zvichakadai, mapurisa asunga gweta rehurumende, VaTapiwa Kasema, nenyaya yekunzi vakabvumirei kuti vasungwa vatatu vakasungwa nemhosva yekuba vachishandisa pfuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva dzavari kupomerwa.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vatenda kuti VaKasema vasungwa asi vanga vasati vapomerwa mhosva zviri pamutemo pataenda pamhepo.

VaKasema vanonzi havana kupikisa chikumbiro chembavha idzi idzo dzakange dzave nemakore makumi maviri dzichitsvagwa nemapurisa.

Mbavha idzi dzakasungwa zvakare nedzimwe mhosva musi wadzabuditswa mujeri mushure mekupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG