Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC Alliance kuChinhoyi Vanorambidza Nhengo dzeMDC-T Kushandisa Mahofisi eBato


Vamwe vevechidiki veMDC Alliance vakachengetedza mahofisi eMDC kuChinhoyi
Vamwe vevechidiki veMDC Alliance vakachengetedza mahofisi eMDC kuChinhoyi

Vechidiki vebato reMDC Alliance varambidza nhengo dzaMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe kuti vasaite musangano wavo pamahofisi emuChinhoyi.

Nhengo dzevechidiki idzi dzinoti dzichamira semusambangwena kudzivirira mahofisi kuti asatorwe neMDC-T yaMuzvare Khupe vachiti mahofisi ari mumaoko evechidiki pari zvino.

Mukuru wevechidiki mudunhu diki reChinhoyi VaRichard Vhitirinyu vanoti kunyange mahofisi ari mumaoko evechidiki, vari kubvumira nhengo dzose dzaive nezvigaro mugore ra2014 kupinda pamahofisi zvisineyi kuti dziri kuMDC Alliance here kana kuti kuMDC-T.

VaVhitirinyu vanoti vave kurinda mahofisi avo masikati nemanheru kuti asatorwe uye vachaongorora munhu wese achapinda pamahofisi aya kuti anokodzera here kana kuti kwete. Vanoti vanhu vari kubvumirwa kupinda pamahofisi inhengo dzaive mumusangano kubva mugore ra2014 zvichidzokera kumashure sezvakatarwa nedare reSupreme Court.

Asi mukururu weMDC-T mudunhu reMashonaland West, VaGift Konjana, vanoti vadzingwa pamahofisi kunyange vanga vachida kuita basa remusangano wavo.

VaKonjana vanoti MDC Alliance ibato remhirizhonga sezvo vechidiki ava vanga voda kuvarova ivo ndokubva pamahofisi vakatsvaga kumwe kwekuitira musangano wavo wekugadzirira kongiresi yavo mwedzi uno.

VaKonjana vanoti vachazeya zvaitika nhasi kumahofisi avo vasati vatora matanho.

MDC Alliance neMDC-T dzakambonetsawo kuHarare neBulawayo pamusoro
pemahofisi ebato iri, vechidiki vakazopedzisira votora mahofisi aya
vachiti vanhu vataurirane mubato.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG