Accessibility links

Breaking News

Electoral College Yotarisirwa Nhasi Kusarudza VaBiden Zviri Pamutemo Kuti Vatungamire Nyika


VaTrump naVaBiden
VaTrump naVaBiden

Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa nhasi kudomwa zviri pamutemo nematunhu ose pachasangana vamiriri vematunhu aya kumatare avo vachiumba inonzi Electoral College.

Vamiriri ava vanotarisirwa kuti vangovhota sezvakaita vanhu mumatunhu avo vakasarudza VaBiden musi wa 3 Mbudzi.

Asi kunyangwe matare aya ari kugara nhasi mumatunhu makumi mashanu, mutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vakundwa musarudzo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo vachinyepa kuti ndivo vakakunda.

Kunyangwe matare ari kurasa nyaya dzaVaTrump nekushaya humbowo, vakaudza nhepfenyuro yeFox News neSvondo kuti vachiri kuenderera mberi nekupikisa zvakabuda musarudzo uye vachakunda.

Asi VaBiden vakave senata kwemakore makumi matatu nematanhatu uye mutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama vari kutarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira. Dare reCongress richatambidzwa zviri pamutemo zvinenge zvabva kuElectoral College musi wa 6 Ndira.

Mamwe maRepublicans anonzi ari kudazve kuyedza kuvhiringidza VaBiden mudare reHouse of Representatives asi izvi zvinonetsa nekuti maDemocrats ndiwo akawanda mudare iri.​

VaBiden avo vari kumba kwavo muguta reWilmington, Delaware vari kutarisirwa kutaura kunyika manheru ano muAmerica nezveElectoral College uye kusimba kwehutongo hwejekerere muAmerica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG