Accessibility links

Breaking News

Vasingaone Vopomera Kanzuru yeHarare Mhosva yeKutyora Kodzero Dzavo


Vamwe vagari vemuHarare vasingaone vapa chikumbiro kukanzuru yeguta iri chekuti vawane mashoko pamusoro pezvirongwa zvainoita.

Mushamarari uye vasinaone VaLiberty Mkhululi Lupahla vanoti vasingaone havasi kuwana mashoko pamusoro pemisangano yekanzuru nezviziviso nekuti zvinyorwa zvacho zvakagadzirirwa vanoona chete, "Ngatizivei kuti vanhu vasingaone vagari vemumaguta semunhu wese muZimbabwe." Vanoenderera mberi vachiti, "Saka zvinhu zvakakodzera kuti pese panoumbwa hurongwa hwakakosha zvizivikanwe nemunhu wese."

VaLupahla vanoti vasingaone vane kodzero yekuva mukati mehurongwa hweguta sezvakangoitawo vamwe, "Asi muchaona kuti ma budgets acho anenge akanyorwa ne print kwete braille kana kutaurwawo zvazvo nenzira inonzwikwa neveruzhinji."

Vatizve, "Zvinonetsa nekuti vakaremara vanenge vachida kunzwawo hurongwa hweguta ravo sevanhu vanobhadhara mitero yakasiyana siyana. Saka kana ma budgets achiitwa ivo vasingazive zvinoti netsei nekuti vanoitwa sevana vadiki"

VaAbraham Mateta igweta uye vasingaone vanoti dambudziko rekubatwa nekuseri kweruoko rinopera chete kana vakaremara vane hunyanzvi vakapinzwa mabasa mukanzuru.

"Kana pane vanomiririra kodzero dzevakaremara mukanzuru vanezenge vachiona kuti vanhu vasingaone vanodawo runyoro rwe braille pamwe nekugadzira zvimwe zvishambadzo nemashoko zvinozobatsira vasingaone."

VaMateta vanoti kanzuru iri kutyora mutemo wenyika pamwe nekodzero dzakatenderanwa nenyika dzepasi rose kana kuti Convention on the Rights of Persons with Disabilities pakushayisa vasingaone mukana wekuti vawane mashoko.

"Vemakanzuru vanofanira kuziva kuti bumbiro remitemo yenyika rinotaura kuti muhurongwa hwebudiriro zvishuwo zvevakaremara zvinofanira kunge riri rimwe dingindira rinofanira kutarisiswa."

Muzvinafundo Tafara Marazi vepa University of Zimbabwe vanotungamirira sangano revasingaone reVisually-Impaired Persons Support vanotiwo vasingaone vane hunyanzvi hwekugadzira mutauro we braille vanofanira kuwaniswa mukana mukanzuru, "Vamwe vedu vane hunyanzvi vari kutopemha mudzinzira."

Vaenderera mberi vachiti, "Dai zvaiita vanhu vakadaro vawaniswa mukana wekugadzira braille toraramawo hupenyu hunoraramwa nevamwe hwekuwana mashoko."

Meya veguta reHarare vaJacob Mafume vatambira mashoko evasingaone vakati kanzuru ichatora matanho nekukurumidza ekuzvigadzirisa, "Ichokwadi kuti zvinyorwa zvedu hazvibude muzvinyorwa zvebraille." Vawedzera vachiti, " Zvimwe zvinhu zvinenge zvichida kuti munhu uzviwerengere. Tichaedza nepese patinogona kuti tizvigadzirise.:

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG