Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeVaShona iri muKenya Inocherechedzwa seZvizvarwa zveNyika Iyi


Mhuri dzeVaShona dziri muKenya.. (mufananidzo: Chief Joshua Kimemia)
Mhuri dzeVaShona dziri muKenya.. (mufananidzo: Chief Joshua Kimemia)

Mhuri yeVaShona yanga yave nemakore anoda kusvika kumakumi matanhatu iri muKenya asi isingacherechedzwi sezvizvarwa zvenyika iyi, yapiwa chipo chehupenyu chekuve zvizvarwa mushure mekunge mutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta, vapa vamwe vemhuri iyi vanosvika kuchiuru nemazana matanhatu nemakumi manomwe, kana kuti 1 670, magwaro ekuve zvizvarwa zveKenya.

Mumwe wevakuru vemhuri yeVaShona iyi, VaOliver Muregerera, vanoti mumhuri ine vabereki vakabva kuZimbabwe kare kare iyi mune mufaro usiri kutambirika, sezvo vapiwa magwaro aya vasina kunge vachizvifungira.

VaMuregera vanoti vakakokwa nehurumende kuti vange vari pamabiko ekupemberera kuwana kuzvitonga kweKenya ayo aitirwa kuNyayo National Stadium neMugovera, uko vangoendawo sevanhu vakokwa, asi vazoshamisika kunzwa mutungamiri wenyika VaKenyatta, vave kushevedzera mazita avo vachiti kubva nhasi vave zvizvarwa zvenyika iyi.

Vanoti chiitiko ichi chichavhura mikana yakawanda yavanga vachitadza kupinda nekuda kwekushaya magwaro anovabvumbidza kugara munyika iyi zviri pamutemo.

Vamwe vapiwa magwaro ekuve zvizvarwa zveKenya pachiitiko ichi imhuri dzinosvika ciuru nemazana matatu kana kuti 1 300, dzakabva kuRwanda dzichinogarawo munyika iyi.

Vabereki vemhuri iyi vakaenda kuKenya pakati pa 1930 nekuma 1960, vachiparidza shoko, asi vakazoguma vagara munyika iyi, kunyange hazvo vakanga vasina magwaro aivabvumidza kana kushanda.

Nekuda kwechimhingamupinyi ichi, vana vemhuri yeVaShona iyi vakakundikana kuenda kuzvikoro zvaida kuti vange vaine magwaro ekuberekwa, kana kuita zvimwe zvaida kuti munhu ange aine chitupa.

VaMuregerera vanoti vamwe vasina kukwanisa kupiwa magwaro avo ekuti vave zvizvarwa vanotarisirwa kuzopiwawo munguva pfupi inotevera, sezvo zvitika nhasi izvi kwanga kungori kuparurwa kwechirongwa ichi.

Kenya ine mhuri yeVaShona inodarika zviuru zvina.

Hurukuro naVaOliver Muregerera
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG