Vamwe vanhu vakapwanyirwa dzimba kuBudiriro vari kuramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vaende kunogara mumatende kuZimbabwe Grounds.
Mumwe akaputsirwa imba VaEddison Zibwowa avo vave nemakore gumi vari paTembwe pakapwanywa apa vati havana chido chekuenda kunogara mumatende kuZimbabwe Grounds sezvo vasingazive kuti vachazodii mune remangwana.
Bazi rezvemagariro evanhu ndiro rinonzi rakatumira nhume kunotaura nevanhu ava nezvekuti vambotamiswa.
Kanzuru yeHarare nemusi weChitatu yakapwanya dzimba dzinodarika zana nemakumi mapfumbamwe mushure mekurudziro yehurumende yekuti dzipwanywe sezvo dzakavakwa zvisina mvumo uye dzimwe dzakavakwa pari kuda kuvakwa chikoro.
Vanonzi vaipa vanhu kune mushandirapamwe weTembwe Housing Cooperativa vakatosungwa nemapurisa.
Nyaya yekuputsa dzimba idzi kuchinaya yakonzera mutauro wakanyanya munyika.
Facebook Forum