Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeDCC dzeBato reZanu PF muMidlands Dzinononotswa neZvimhingamipinyi Zvakasiyanasiyana


Nhengo dzeZanu PF dziri kusarudza hutungamiri hwematunhu madiki, kana kuti District Coordinating Committee, DCC.
Nhengo dzeZanu PF dziri kusarudza hutungamiri hwematunhu madiki, kana kuti District Coordinating Committee, DCC.

Sarudzo yenhengo dzeDistrict Coordinating Committee, kana kuti DCC, dzebato reZanu PF mudunhu reMidlands kwanonoka kutanga nekuda
kwezvimhingamupinyi zvinosanganisira kunaya kwemvura yakawanda mune
dzimwe nzvimbo.

Kusvika panguva dza1 masikati, kuvhota kwange kusati kwatanga munzvimbo dzakawanda dzange dzichifanirwa kuvhoterwa nekuda kwezvimhingamupinyi zvakasiyanasiyana.

Kuvhota kwange kuchifanirwa kutanga na8 mangwanani kuchipera na4
masikati. Asi pasvika Studio 7 pachikoro cheChaplin kuma9 makuseni
pange pakavharwa.

Mumwe wevanochengetedza pachikoro ichi, uyo asina kudomwa nezita kana
kutaura pamhepo sezvo ati haabvumirwe kutaura nevatapi venhau, ati ange
akanzwa kuti pane sarudzo dzichaitwa pachikoro apa asi dzange dzisati
dzatanga uye ange asingazive chikonzero chekuti sei dzanonoka.

Vachizivisa vatapi venhau nemafambiro ari kuita zvinhu, vakafanobata
chinzvimbo chemutauriri webato reZanu PF VaPatrick Chinamsa vabvuma
kuti sarudzo dzanonoka kutanga munzvimbo zhinji.

Vati kunyange hazvo zvose zvinodiwa zvange zvavepo nezuro manheru kusanganisira mapepa ekuvhotesa kana kuti ma ballot papers, kuGokwe North mapepa aya anonoka kusvika nekuda kwekuzara kwenzizi.

Boka redistrict Coordinating Committee rinenge rine nhengo makumi
maviri nenhatu asi zvimwe zvinzvimbo zvitatu kusanganisira chemumiriri
wemadzimai newevechidiki zvinozovhoterwa pashure nemapoka maviri aya.

VaChinamasa vati ivo nevamwe vakuru-vakuru vePolitburo vanosanganisira
mukuru weboka remadzimai, Amai Mabel Chinomona naVaPaul Mangwana ndivo vakatumwa nebato ravo kuzoona zviri kuitika mudunhu reMidlands.

Asi vati kune nhengo nhanhatu dzemakomiti ematunhu maviri anoti Bulawayo neManicaland dziri kushanda pamwe nevedunhu reMidlands pakuona kuti sarudzo idzi dzafamba zvakanaka.

VaChinamasa vati bato ravo rakabvumirana kushandisa gwaro rebato ravo revavhoti ra2017. Vatiwo bato ravo rinokoshesa kutevedzera matanho ekudzivirira chirwere cheCovid-19, vachiti izvi zviri kutevedzerwa pasarudzo idzi.

Vanhu zana nemakumi maviri ndivo chete vanovhota musarudzo idzi uye VaChinamasa vati izvi zvinoita kuti sarudzo idzi dzisanyanyonetsa kuita.


Pakupindura mubvunzo wekuti vanoona sei huwandu hwevanhukadzi vari kuda zvinzvimbo musarudzo idzi, VaChinamsa vati vanoshushikana zvikuru kuti vanhukadzi ava vashoma.

Amai Chinomona vatsinhirawo izvi vachiti chikonzero chikuru ndechekuti
vanhukadzi vakawanda vachiri kutya kuda kupinda muzvinzvimbo
zvehutungamiri nekuda kwetsika yekufunga kuti varume ndivo chete
vanokodzera.

Senzira yekubudisa zvinhu pachena, VaChinamasa vati zvinenge zvabuda
musarudzo zvicharatidzwa panzvimbo dzose dzinovhoterwa asi zvose
zvichabuda musarudzo zvichazoziviswa kumuzinda webato muHarare.

Sarudzo dzemaDCC dzakambenge dzambosendekwa parutivi munyika mose nekuda kwekuti dzakakonzera mutauro mukuru mubato reZanu PF kunyanya mudunhu reMidlands umo makamboita mhirizhonga. Asi VaChinamasa vati sekuziva kwavo kwange kuine runyararo munzvimbo dzose dzange dzichiitwa sarudzo.

Vati nekuda kwekuti dzanonoka kutanga, sarudzo dzinogona kuenderera
mberi neSvondo uye zvinenge zvabuda musarudzo zvozotanga kuziviswa nemusi weMuvhuro.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG