Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yotamba neSimba Stars yekuTanzania muCAF Champions League


Norman Mapeza
Norman Mapeza

Chikwata cheFC Platinum chatambidzwa mukana wekutanga chiri pamusha neSimba Stars yekuTanzania mumitambo miviri yekuumisira munzira yekupinda mumagungano eCaf Champions League kana kuti mini league.

Chikwata chemuZimbabwe ichi chichange chiri pamusha muNational Sports Stadium musi wa 23 Zvita mumutambo wekutanga yemiviri yemunharaunda yakakosha iyi.

Gwaro rabva kune veConfederation of African Football rinoti Kugona Kunenge Kudada ichashanyawo kuTanzania musi wa 6 Ndira, 2021.

Chikwata chichakunda mumitambo miviri iyi chinobudirira kupinda mumagungano emakundano aya umo munotambidzwa mari zhinji.

Parizvino, Dynamos, Caps United, Monomotapa neFC Platinum yacho ndizvo zvikwata zvemuno zvabudirira kusvika mumini-League stage kubvira muna 1980 apo Zimbabwe yakatanga kutamba neve kune dzimwe nyika.

FC Platinum yapinda mumagungano aya makore maviri apfuura ichizotatarika yavemo asi murariridzi wavo Norman Mapeza anoti rwendo rwuno vari kuda kuenda mberi mumakundano aya.

Mapeza anoti haanyatsoziva nezve Simba Stars asi achatora nguva ino kuona mavhidhio avo sezvo mitambo muTanzania yakatanga.

Murairidzi uyu anoti dai zvaisarudzwa aida kusangana nePlateau United yekuNigeria nekuti haina ruzivo rwakanyanya rwemakundano emuAfrica kwete Simba Stars iyo yave nenguva mumakundano aya.

Simba Stars yakarova Plateau United 1-0 mumitambo miviri kuti isangane neFC Platinum.

Mapeza anoti arikutarisira kuti mwari achavatungamira muzvinangwa zvavo zveCaf Champions League yemwaka uno.

FC Platinum yakarova Costa Do Sol yekuMozambique 4-1 mumitambo miviri kuti isvike pachinhanho chairi parizvino.

Dynamos ndiyo ine nhoroondo yakasimba mumakundano eCaf Champions League aya mushure mekupinda mufainari muna 1998 nemuma semi fainari muna 2008.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG