Mutori wenhau weZBC, Janet Munyaka, uyo akauraiwa nechirwere cheCovid-19 aradzikwa kuGlen Forest muHarare neMuvhuro asi masangano anomirira vatori venhau achikurudzira kuti vemakambani anoita nezvekuburitswa kwenhau vatore matanho akasimba kudzivirira vatori venhau mukutapurirwa chirwere ichi.
Munyaka aradzikwa pamarinda eGlen Forest kumahombekombe kweHarare paine vanhu vashomanana vabvumidzwa kusvika pakuradzikwa senzira yekutevedzera zvakatarwa nesangano reWorld Health Organization kuti vanhu vasanyanyoungana senzira yekuedza kuederedza kupararira kwechirwere cheCovid-19. Vanhu ava vanga vachisanganisira vatori venhau nevehukama.
Vachitaura pakuradzikwa kwaMunyaka, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vati Janet Munyaka, uyo asiya murume nevana munhu aida basa rake zvakanyanya uye aishanda nesimba.
Mumwe mutori wenhau uye ari mutauriri wesangano revatori venhau vechidiki reYoung Journalists Association, Leopold Munhende, atsanangura Munyaka semunhu anga achibatsirawo vatori venhau vachangotanga basa kuti vanyatsoziva kuti basa rekutora rinofambiswa sei.
Zvichakadai, masangano anomirira vatori venhau akaita sereZimbabwe Union of Journalists, kana kuti ZUJ, nemamwe, anoti arwadziwa zvikuru nekufa kwaMunyaka uyo anga ave nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa.
Munyori mukuru muZUJ, VaFoster Dongozi, vakurudzira makambani enhau kuti atore matanho ekupa vatori venhau vanoshandira makambani aya zvipfeko zvekuzvidzivirira vari pabasa nguva dzose sezvo vachiti vatori venhau vane basa guru rekuzivisa veruzhinji zvinenge zvichiitika.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vatiwo makambani anofanirawo kuona kuti vatori venhau vapihwa zvikwanisiro zvinoita kuti vashandise hunyanzvi hwechimanjemanje kana kuti technology senzira yekuederedza mukana wekuti vatori venhau vapinde munzvimbo dzavanogona kutapurirwa chirwere cheCovid-19.
Mamwe makambani enhau akaita seStudio 7 ave kutoshandisa hunyanzvi hwechizvinozvino kuita basa rawo senzira yekuderedza mukana wekuti vatori venhau vanoshandira kambani iyi vasabatwe nechirwere cheCovid-19.
Munyaka mutori wenhau wechipiri ashaya nechirwere cheCovid-19 mushure mekunge mumwe mutori wenhau, Zororo Makamba ashayawo muna Kurume.
Facebook Forum