Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Rinoti Mari yeBhajeti Ishoma Uye Vanobatsira Vekunze Vave Kusunga Homwe


Munyori mukuru mubazi rezvehutano, Air Commodore Jasper Chimedza, vanoti rubatsiro kubva kunyika nemasangano anopa rubatsiro ruri kudzikira uye hurumende inofanira kukoshesa hutano nekupa bazi ravo mari inokwana kutenga mishonga nemichina muzvipatara.

VaChimedza vati nyika inogona kupinda mudambudziko guru kana masangano nenyika dzinopa rubatsiro dzikamira kutsigira Zimbabwe.

Vachizeya bhajeti rebazi ravo regore rinouuya nekomiti yeparamende inoona nezvehutano nemusi weChina, VaChimedza, vati kunyange hazvo mari ichinetsa hutano hwakakosha uye hurumende inofanira kupa bazi ravo mari yakakwana.

Vati bazi ravo raida zana nemabhiryoini makumi manomwe nemaviri emadhora emunyika, vakapihwa mabhiriyoni makumi mashanu nemana chete uye imwe mari yasara inotarisira kubva kumasangano nenyika dzinopa rubatsiro. Izvi ndizvo zvanzi naVaChimedza hazvina kunaka.

Mushandi mukuru anoona nezvemari mubazi iri, Amai Lynette Tenis, vati pabhajeti rese meZWL54 billion rakapihwa bazi ravo, zvikamu makumi matanhatu nechimwe kubva muzana, zvionoenda kumihoro izvo zvinosiya pasina mari yekushandisa muzvipatara.

Vatiwo zvipatara zvakapihwa mari shona pane yazvaida vakapa semuenzaniso chipatara cheSally Mugabe Central icho chaida mabhiyoyoni maviri nezviuru mazana mashanu zvemunyika kana kuti ZWL2.4 billion asi chikapihwa mamiriyoni zana nemakumi matanhatu nerimwe kana kuti ZWL161million dollar chete.

Sachigaro vekomiti iyi, Dr Ruth Labode, varatidza kusafara nenyaya yekuti bazi iri rakapihwa mari shomana yekutenga mishonga sezvo hurumende ichitarisira kuti vemasangano akazvimirira nenyika dzinopa rubatsiro ndivo anotenga mishonga yakawanda inoshandiswa munyika.

Zimbabwe inoowana rutsigiro rwemariyoni akawanda emadhora ekuAmerica kubva kumasangano akaita seGlobal Fund, European Union pamwe nenyika dzakaita seUnited States.

Gore rinouya Zimbabwe inotarisira kuwana mariyoni mazana mashanu emadhora ekuAmerica kubva kunyika nemasangano aya.

Komiti iyi hainawo kufara nenyaya yekuti zvipatara zvinoshaya mari yekushandisa asi mari dzinobhadharwa nevarwere dzave kusvika mamiriyoni mazana maviri emadhora emuno isiri kushandiswa pasi peHealth Services Fund.

VaChimedza vatiwo havasi kufara nenyaya iyi vachiti vanoda rubatsiro kubva kuparamende kuti vawane mari iyi kubva kubazi rezvemari nekukasika.

Munyori anoona nezvehutano mubato guru rinopikisa reMDC Alliance Dr Henry Madzorera avo vaimbova gurukota rezvehutano vaudza Studio 7 kuti hazvina maturo kuti bazi rezvemari ribate mari dzinobhadharwa muzvipatara.

Vati zvipatara zvinofanira kupihwa mvumo yekushandisa mari iyi asi vatiwo kushandiswa kwemari iyi ngakuongororwe nekuti pamwe zvimwe zvipatara zvaishandisa mari iyi zvisina mwero.

Dr Madzorera vatiwo mari yakapihwa kubazi rehutano ishoma uye izvo zvinoreva kuti vanhu vacharamba vachinetseka panyaya dzehutano.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehutano munyika sezvo vashandi vanosanganisira vanachiremaba nevakoti vasiri kufara nemihoro yavanopihwa uyewo muzvipatara musina zvikwanisiro kunyangwe nyika yakatarisana nedenda reCovid-19 rarura pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG