Accessibility links

Breaking News

VaBiden Votarisirwa Kutora Mhiko Pasina Ruzhinji neNyaya yeCovid-19


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden.

Pane hurongwa hwekuti vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya vanhu vasina kuungana paWashington Mall muguta reWashington DC sezvinoitwa makore ose nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere checoronavirus.

Hurongwa uhu hunonzi huchaitwa padandemutande kana kuti Virtual Inauguration.

VaBiden vanenge vachitora mhiko semutungamiri wenyika yeAmerica wechimakumi mana nematanhatu.

VaBiden nevamwe vanyarikani vashoma shoma nevanhu vashoma vachatora mhiko pamberi pemukova wedare reparamende kana kuti Congress sechigariro vozofamba nemugwagwa, Pennsylvania Avenue, kuenda kumuzinda weWhite House.

Gadziriro yehurongwa uhu yatotanga muWashington DC pachiiswa zvivakwa zvakasiyana siyana.

Mutungamiri wenyika VaDonald Trump havasati vatenda kuti vakakundwa sarudzo uye vamwe vanoti vacharegedza kuenda panenge pachitoreswa mhiko VaBiden inova tsika inoremekedzwa pakutambidzana masimba muAmerica.

VaTrump vari kufungidzirwa kuti vachaita musangano neveruzhinji musi uyu muchinangwa chekuda kutotanga gadziriro yekukwikwidzazve musarudzo dzemuna 2024.

Zvichakadaro VaBiden vari kutarisirwa kudoma vaive mukuru wemauto vari pamudyandigere Retired U.S. Army General Lloyd Austin kuti vave munhu mutema wekutanga kuve gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG