Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vonorapwa kuChina, Mudzimai Wavari Kunetsana Naye Achimira muDare Kuti Anorapwawo Kunze


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanonzi vakaendeswa kuChina kunorapwa panguva iyo mudzimai wavo iyo wavari kurambana naye ari kutadza kubuda kunze kwenyika kuti anorapwa sezvo akatorerwa pasipoti nedare.

Bepanhau repaindaneti reZimLive rinoti VaChiwenga vakaendeswa kuChina kunorapwa kunyange hazvo mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muhofisi yemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vaudza bepanhau iri kuti VaChiwenga vakabuda munyika kunoita basa renyika.

Asi VaCharamba havana kutaurira nyika yakaenda VaChiwenga uye kunodii chaizvo. Pataedza kuvabata parunhare VaCharamba vanga vasiri kudaira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano rePlatform for Youth Development Initiative in Zimbabwe, VaClaris Madhuku, vati kuenda kwaita VaChiwenga kuChina kunorapwa hakuratidzi hutungamiri hwakanaka sezvo VaChiwenga vakamboti hapana mukuru mukuru muhurumende achaenda kunorapwa kunze kwenyika achishandisa mari yenyika.

Nechinzvimbo chavainacho muhurumende, VaChiwenga vanorapiswa nehurumende.

Kuenda kwaVaChiwenga kuChina kunorapwa kunouya apo mudzimai wavo uyo wavari kurambana naye, Muzvare Mary Mubaiwa, varikutadza kubuda munyika kuti vanorapwa sezvo pasipoti yavo yakatorwa nedare.

Muzvare Mubaiwa vakakumbira dare repamusoro svondo rapera kuti vadzoserwe pasipoti yavo kuti vanorapwa kuSouth Africa.

Gweta ravo, Amai Beatrice Mtetwa vati nyaya ichapinda mudare neChitatu apo hurumende yakatarisirwa kupa mhinduro pachikumbiro chaMuzvare Mubaiwa avo vakaenda kudare svondo rapera vari pamubhedha unozivikanwa nekuti stretcher bed.

Zvichakadaro, dare repamusoro reHigh Court neChipiri rakatura mutongo wekuti Meya veHarare, VaJacob Mafume, vatongwe vachibva kumba kwavo pamhosva yavari kupomerwa yekuita zvehuori mukanzuru yeHarare.

Mutongi wedare iri, VaBenjamin Chikowero vati dare ramejasitiri rakakanganisa parakanyima VaMafume mukana wekubhadhara mari yechibatiso richiti vanogona kuvhiringidzana nevafakazi pamwe nehumbowo huri kudiwa nemapurisa huri pamahofisi ekanzuru.

VaChikowero vati VaMafume vanofanira kuonekwa semunhu asina mhosva kudzamara vabatwa nenyaya pamhosva yavari kupomerwa.

Nokudaro, vati VaMafume vabhadhare madhora zviuru makumi matatu ari maRTGS semari yechibatiso, vasiye pasipoti yavo kudare, vagare pakero yavakanyoresa uye kuti vazvipire neChishanu chegachega kumapurisa eSpecial Anti Corruption Unit. Gweta raVaMafume, VaHarrison Nkomo, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

VaNkomo vati vafara nemutongo waturwa nedare vachiti VaMafume vangadai vasina kumbogara vanyimwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.

Pane vanhu vakawanda vasungwa munguva pfupi yadarika vachipomerwa mhosva dzehuori mumakanzuru akawanda anotongwa neMDC vanosanganisira VaMafume, Meya wedhorobha reChitungwiza, VaLovemore Maiko, vaimbova Meya weHarare Va Herbert Gomba nevamwe.

Asi nekune rumwe rutivi, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanogara vakataura kuti hurumende yavo ichasunga wese achawanikwa achiita zvehuori kunyange hazvo vamwe vari kutevera zviri kuitika mukusungwa kwemakanzura eMDC vachiti kusungwa kwavo kuri kuratidza kuti izvi zvave zvematongerwo enyika sezvo vamwe vari muhurumende vari kufungidzirwa kuti vari kuita huori vasiri kusungwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG