Accessibility links

Breaking News

Amai Marry Mubaiwa Voendeswa Kudare neAmbulance


VaConstantino Chiwenga naAmai Marry Mubayiwa
VaConstantino Chiwenga naAmai Marry Mubayiwa

Amai Mary Mubayiwa, mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika wavari kunetsana naye VaConstantino Chiwenga vakaenda kudare ramejastiriti neMuvhuro vari muambulance mushure mekunge mutongi VaNgoni Nduna ati vasungwe kana vasina kuuya kudare kunyangwe hazvo gweta ravo Amai Beatrice Mtetwa vange vati vari kurwara.

Amai Mary Mubayiwa vari kupomerwa mhosva dzakawanda dzinosanganisira yekuda kuponda, kuburitsa mari munyika nemukoto uye kurova mudzimai aichengeta vana vavo. Asi vari kuramba mhosva dzose idzi.

Mutongi VaTrynos Utawashe vazobvisa tsamba kana kuti “warrant of arrest” yekusunga amai Mary Mubayiwa mushure mekunge vapinda mudare vari pawheelchair. Amai Mtetwa vakumbira dare kuti rizonzwe nyaya iyi musi wa 28 Ndira sezvo Amai Mubayiwa vari kuda kunorapwa kunze kwenyika.

Mune dzimwe nyaya dzange dziri mumatare, dare remejastiriti rarambe kupa meya weHarare VaJacob Mafume vanova nheno yeMDC Alliance mukana wekubvisa mari yechibatiso. VaMafume vave kutarisrwa kuendesa chikumbiro chavo kudare repamusoro.

Mune imwe nyaya, mutungamiri webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume nemutevedzeri wasachigaro webato reMDC VaJob Sikhala vamiswawo pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende iyo vari kuramba. Vaviri ava vari kuramba mhosva iyi.

VaSikhala vanzi vadzoke musi wa11 Ndira gore rinouya uye VaNgarivhume vanzi vadzoke musi wa 15 Ndira.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vamiswawo pamberi padare vachipomerwa mhosva yekuda kupandukira hurumende asi nyaya iyi yanzi izonwikwa muna Ndira zvekare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG