Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kushanyira Botswana Kunyangwe Bhodha Ravhurwa neKushaya Tsamba dzeCovid-19


Kunyange hazvo Botswana yavhura zvizere mabhoda ayo mashanu nhasi kusanganisira muganhu waro uri pedyo neguta rePlumtree weRamokgwebana, kwanga kuine motokari nevanhu vashomanana vanga vachipinda nekubuda munyika iyi.

Ongororo yaitwa neStudio7 pamuganhu uyu nhasi inoratidza kuti ruzhinji rwezvizvarwa zveZimbabwe zvanga zvichidzoserwa kumusha nekuti zvanga zvisina chitambi chinoratidza kuti havana chirwere cheCOVID-19.

Botswana yakatsidza kuti haina kubvumidza ani zvake anobva kuine imwe nyika kupinda munyika iyi asina gwaro rinoratidza akavhenekerwa COVID-19 akawanikwa asina chirwere ichi chashura mare pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Asi hurongwa hwaitwa neBotswana uhu huri kuita kuti vazhinji vatadze kufamba famba nekuti hazvisi nyore kuti munhu avhenekerwe hutachiwana hweCOVID-19 sezvo vanovheneka vari kubhadharisa makumi matanhatu emadhora ekuAmerica.

Amai Gertrude Maravanzira vaudza Studio7 kuti vakambofunga kujamba bhodha sezvo nyika dzakavharwa murume vavo ari kuGaborone ivo vari kuZimbabwe asi vakatya izvo zvaita kuti vaite nhangemutange.

Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe chisina kuita rombo rakanaka saAmai Maravanzira ndiVaWalter Mukanga avo vaudza Studio7 kuti vava nemazuva maviri vari gere pabhodha reRamokgwebana sezvo vashandi vebazi rehutano munyika iyi vari kuramba gwaro ravo vachiti ndere kunyeba.

VaMukanga pamwe chete nevamwe vavo vaviri vanoti Agrippa Murimba naRaymond Uchena vane chivimbo chekuti vachakunda kuti vano joina chikwata chebhora cheMorupule Wanderers munyika iyi.

VaMurimba, avo vanoti vaitambira chikwata cheHarare City, vanoti chirwere cheCOVID-19 chaunza kusagadzikana kukuru uko chaita kuti vatambi vebhora vave nedambudziko rekutsvaga mafuro manyoro.

Mukuru wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET VaSamuel Wadzai vaudza Studio7 kuti mari dziri kudiwa nevanovheneka denda iri dzakawandisa.

VaWadzai vakurudzira hurumende kuti ive nehurongwa hwekubatsira nhengo dzesangano ravo nevamwe vanorarama nekutenga midziyo kuBotswana vachinotengesa kumusha kuitira kuti vasashandire dhongi rakaora.

Kunyange hazvo ruzhinji rwuri kuchema chema, gurukota rinoona nezvehutano muBotswana VaEdwin Dikoloti vanoti nyika yavo haisi kuzodududza shure panyaya yezvitambi vachiti ndiyo nzira chete ingabatsira kuti hutachiwana uhu husapararire.

Botswana ine vanhu zviuru gumi nemazana manomwe ane makumi mana nemaviri vabatwa nechirwere ichi kotiwo makumi matatu nevana vafa nokuda kwedenda iri.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG