Accessibility links

Breaking News

Sangano Rinomirira Vashandi Mubazi Rezvekurima Harisi Kufara Nemabatirwo Arikuitwa Nhengo Dzaro Nehurumende


Mr Zivaishe Zhou, Secretary General ZAPTA

Sangano rinomirira vashandi mubazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association (ZAPTA), rinoti harisi kufara nezvirikuitwa nehurumende maererano nekuvabhadhara mari dzekubatsirikana panguva yekurwisana ne Covid-19.

Munyori mukuru we ZAPTA, VaZivaishe Zhou, vanoti nhengo dzesangano ravo zhinji hadzina kupiwa mari idzi kunyangwe hazvo dzichikodzera kupiwa mari iyi.

VaZhou vanoti chimwe chinhu chiri kunyanya kunetsa nhengo dzesangano ravo ndechekuti zvinoita sekuti avo vakapiwa mari idzi, vakapiwa vachisiyaniswa zvekuti pave nekufungira kuti parikuitwa zvehusahwira mukubhadharwa kwemari idzi.

Umwe wevakuru muhofisi inoona nezvevashandi mubazi iri, aramba kudomwa nezita, audza Studio 7 kuti vashandi vose vanoziva kokuenda kana vaine zvichemo pamusoro pemari nemihoro.Vati zvekare, bazi ravo rinotarisira kuita musangano nevatungamiri veZAPTA nhasi, Muvhuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG