Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari veKuMasvingo Voramba Kutambira Bhajeti reGuta Ravo


Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke
Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke

Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vanyora tsamba dzeenyunyuto zviri pamutemo vachiramba kutambira bhajeti regore rinouya rakaparurwa nekanzuru yavo iyo inoda kukwidza mari yemitero nezvikamu zvinosvika mazana masere kubva muzana.

Kanzuru yeMasvingo yakaisa chiziviso mubepanhau reHerald ichipa vagari mukana wekuramba kana kutambira bhajeti iri sezvinotarisirwa pasi pamutemo weUrban Coucils Act risati raendeswa kubazi rezvematunhu.

Mutsamba dzavo vagari vari kuramba bhajeti regore rinouya remari inosvika mazana manomwe nemakumi maviri nematatu emadhora emunyika kana kuti 723 million RTGs.

VaLovemore Manyanga, vanogara kwaMucheke, vati vanyora tsamba idzi nekuti zvikamu zvakakwidzwa zvemitero yemvura, nekutakurwa kwemarara nezvimwewo.

Izvi zvatsinhirwa nevanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano rimomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, Muzvare Rumbidzai Magurupira.

Kanzuru inoti inoda kukwidza mitero nezvikamu izvi nekuti mari yemunyika iri kugara ichishaya simba nekudaro iri kuitira kuti isare iine mari inozokwana kuita mabasa akaita sekutenga mishonga yekuchenesa mvurayekunwa nezvimwe.

Mubhajeti iri kanzuru irikuti ichakwidza mitero iyi muzvidimbu kuitira kuti vagari vasaomerwe.

Kutanga, kanzuru ichakwidza nezvikamu makumi mashanu kubva muzana muna Ndira gore rinouya, yozokiwdza nezvikamu zana nemakumi mashanu kubva muzana panopera mwedzi mitatu yoga yoga kusvika gore rapera.

Meya wegura reMasvingo VaCollen Maboke vati vari kutambira tsamba idzi uye vachaita zviri pamutemo kana dzichinge dzakwana.

Chikamu chechimazana maviri nemakumi masere nemasere kana kuti Section 288 cheUrban Councils Act chinoti vagari vanofanira kupuwa mwedzi kuti varambe kana kubvuma kutambira bhajeti kana richinge rapera kuitwa. Mwedzi uyu unopera musi wa 9 Zvita uye mutemo unotarisira tsamba dzinosvika makumi matatu.

Vagari pari zvino vari kubhadhara mitero inosvika mazana mashanu emadhora pamwedzi imba yoga yoga.

Asi muna Ndira vanenge vobhadhara mari inodarika zvuru zviviri zvemadhora ema RTGS, uye panozopera gore vanenge vobhara mari inosvika zvuru zvisere zvemadhora eRTGS pamwedzi.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG