Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vodzokerazve Kudare VaChiramba Kutambira Sarudzo


VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vakakundwa musarudzo, naVaJoe Biden vebato remaDemocrats, idzo vari kuramba kutambira vakwira zvekare kudare repamusoro soro reSupreme Court neSvondo vachida kuti risatambira zvakabuda musarudzo dzemudunhu rePennsylvania.

VaTrump vanoti havana kufara nenyaya yekuti vanhu vakaita zvekutumira mavhoti avo sezvo paityirwa kuti panogona kupararira chirwere cheCovid-19 vakavhota semazuva ose.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemutemo dzinoti VaTrump Havana mukana wekubudirira sezvo vakakundwa zviri pachena uye vasina humbowo hwekuti sarudzo dzikabirirwa.

Asi kunyangwe dare rikarasa sarudzo idzi, VaTrump havana zvekare mukana wekuti vakunde VaBiden.

Gweta raVaTrump, VaRudy Guliani vanoti vari kuda kuti dunhu rePennsylvania kuburikidza nedare reGeneral Assembly risarudze munhu warinoda kwete kutevedzera zvakabuda musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi.

VaTrump vanoti vari kuda kuti dare reSupreme Court ripe mutongo waro musi wa 6 Ndira usati wasvika apo dare reCongress richagara kuti ritambire zviri pamutemo zvakabuda musarudzo uye kubva kuElectoral College zvekuti VaBiden vakakunda musarudzo.

Asi vatongi veSupreme Court vanonzi vanokwanisa chete kuti vasangane musi wa 8 Ndira Congress yatovhota. VaTrump nevatsigiri vavo vave nenyaya makumi mashanu dzavakwidza kumatare, ina kuPennsylvania asi dzose dzichiramba kutambirwa. VaBiden vari kutarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG