Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vopesana Pakupa Vana Vasati Vabvazera Maparitsi eKuronga Mhuri


Vanhu vakawanda vari kupesana panyaya yekuti vana vasati vabvazera mapiritsi ekuronga mhuri pamwe nemishonga yekudzivirira zvirwere zvepabonde.

Masarira, vanoti sangano ravo rakaendesa nyunyuto dzaro kuparamende senzira yekutsvaga nzira dzekuchengetedza hutano hwevechidiki ava.

Amai Debra Mwase vanoshanda nesangano re Katswe Sisterhood vanoti nyaya iyi inofanira kuongororwa zvakadzama nokuti vana vari kuita zvepabonde vachiri vadiki zvokuti panofanirwa kuwanikwa nzira yokuvadzivirira kunjodzi yezvirwere zvepaponde zvinotapuriranwa.

Nyanzvi yezvehutano, Dr Chido Dziva – Chikwari, vanoti panofanirwa kuwanikwa nzira dzokubatsira vechidiki ava.

Mufundisi Mazvarirashe Mabugu vanotenderana nevabereki vari kupikisa danho rekuda kuisa mutemo unobvumidza vana ava kutora mapiritsi okuronga mhuri vachiti ndiko kuparara kuchaita rudzi rwamangwana.

Nyazvi yehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti havakurudzire vana vasati vasvitsa makore gumi nemasere kuti vaite zvepabonde nokuti zvinowedzera mukana wokusangana nezvirwere zvakasiyana zvikuru gomarara repamuromo wechibereko.

Dr Chiripanyanga vanoti vana ngavarairwe kuti vagare vari mugwara rakarurama zvinozoita kuti varambe vachiendera mberi nechikoro sezvo pfungwa dzavo dzinenge dzakangoteya pakubudirira mudzidzo dzavo.

Mutevedzeri wemukuru anoona nazvezvirwere zvisingatapuriranwe mubazi rehutano Dr Justice Mudavanhu vanoti gomarara repamuromo wechibereko ndiro rakanyanyisa kuwanda muvarapwi. Asi vanoti rinokwanisa kurapwa zvokutopera kana madzimai akakurumidza kuenda kunoongororwa kuzvipatara nemakiriniki.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation rinoti vana vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makuni maviri nemana munyika vari kutapurirwa zvirwere zvepabonde zvinenge gomarara repamuromo wechibereko iro rinozobatwa kazhinji risingachakwanisike kurapika nokuti rinenge rapararira kunhengo dzakakosha dzinoita kuti munhu ararame.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG