Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau dzeMitambo, Tendai Ndemera, Ashaya


Ndemera aitsigira chikwata cheDynamos
Ndemera aitsigira chikwata cheDynamos

Munyori wezvemitambo anozivikanwa zvikuru, Tendai Ndemera, ashaya mambakwedza emusi weChipiri.

Ndemera, uyo anozivikanwa nezita remudunhurirwa rekuti Ndem Ndem, ashaya mangwanani emusi Chipiri mumusha weSunningdale muHarare mushure mekurwara kwenguva refu.

Ndemera anga ave nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa.

Vezvemitambo varwadzikana zvikuru nekushaya kwemunyori uyu, uyo aivaudza zvaitika mumitambo apo akashandira Herald, Sunday Mail, Daily Gazette neStudio7.

Ndemera, pamwe nevatori venhau vaviri veZimpapers, Robson Sharuko naRex Maphisa vakadzingwa basa muna Kukadzi 2004 vachinzi vaishandira Studio7.

Maphisa haana kumbobvira ashandira Studio7.

Sangano re Reporters Without Boarders rakakurudzira Zimpapers kuti idzosere vatori venhau ava pabasa.

Asi Zimbabwe Media Commission, kuburikidza nemukuru wayo panguva iyi. VaTafataona Mahoso, vakati zvakaitwa zvekudzinga Ndemera nevamwe vake basa zvaive mugwara nekuti Voice of America yaishanda nechinangwa chekuvhiringa kugadzikana kwenyika.

VaHope Chizuzu avo vaive nhengo yeZimbabwe Sports Writers Association pamwe naNdemera vanoti Ndemera aive asiri mhizha mukunyora chete, asi kuti aibatsirawo vamwewo vanyori, vakuru nevadiki

Mukuru wevanyori vezvemitambo kuHerald, Colin Matiza, anoti Ndemera aisanganisa kugona kunyora nenyambo dzake idzo dzaifadza veruzhinji.

Asi Ndemera aive aine hukama kwete nevaaishanda navo chete, asi neve kunze zvekare.

Mutambi wenhabvu aimbotambira Arcadia United, Dan Jimu, anoti arwadzikana zvikuru nekushaya kwaNdemera uyo akamubatsira zvikuru muhupenyu.

Anoti pese paasangana naNdemera aipihwa chidzidzo chekuzvibata kuti aenderere mberi nebasa rake

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaChris ‘Romario’ Musekiwa, vanoti Ndemera aivasiya vachiputika nekuseka nenyambo dzake mudzinhandare.

Vanhu vakaungana pa Number 4 Canaan Mhlanga Road, National, Mbare, muHarare, apo pachaziviswa hurongwa hwekuradzikwa kwake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG