Accessibility links

Breaking News

Vatambi VeNhabvu veZimbabwe Vosimudza Mureza Vachitungamirwa naTino Kadewere


FC Platinum head coach Norman Mapeza
FC Platinum head coach Norman Mapeza

Vatambi vemuZimbabwe vari kunyemwerera vakananga kuhorodhi yeKisimisi yemitambo yenhabvu, panguva iyo FC Platinum irikugadzirirawo kupunzira pasi Simba Stars yekuTanzania zuva reKisimisi risati rasvika mumutambo weCaf Champions League.

Chikwata cheSimba Stars chatove muHarare kuedza kujairira mamiriro ekunze emuno pamwe neruzivo nezveFC Platinum pachiri nenguva mutambo wakakosha uyu usati wapinda mudariro.

Mutambo uyo uri muNational Sports Stadium nemusi weChitatu asi varairidzi vechikwata ichi vakaonekwa vachiongorora nhandare ichatambirwa mutambo uyu nemusi weSvondo.

Izvi zviri kuratidza makoshesero avari kuita mutambo uyu sezvo chikwata chichakunda pamitambo miviri iripo chichibudirira kuenda mumari zhinji yemini League stage.

Asi mumwe muteveri weFC Platinum VaPhilemon Musambasi vanoti havasi kutarisa zviri kuitwa neSimba Stars nekuti chikwata chavo chakagadzirira zvakakwana zvekuti vari kukunda kuti mutambo wechipiri usaite basa rakanyanya

Murairidzi weFC Platinum Norman Mapeza anoti atora masvondo maviri apfuura kuita ongororo yekuona kuti Simba Stars yacho inotamba sei.

Mapeza nechikwata chake varikuda kuzvipa kisimusi yekisimisi inofadza nekukunda semafariro arikuita vamwe vatambi vemuno varimuSouth Africa nemhiri kwemakungwa.

Vatambi ava varikunyemwerera vakananga kuzororo yemitambo pakisimisi mushure mekudadisa vatsigiri vezvikwata zvavo mukupera kwesvondo.

Zviri zvaTino Kadewere, yatove garo ziva mushure mekunge mutambi uyu akakanda chimwe chibodzwa apo Lyon yakazvambura Nice 4-1 ndokumbokwira pamusoro petafura kwezuva rimwe.

Ichi chave chibodzwa chemutambi uyu chechitanhatu mumitambo gumi nemitanhatu chichitevera icho akakanda svondo rapera apo Lyon yakarova PSG 1-0.

Muteveri weDynamos VaLawrence Hwekwete vanoti zvinofadza kuti zita reZimbabwe ririkusimudzirwa mugungano hombe seFrench Lique 1.

Mutambo weLyon unotevera uriko neChitatu neNantes vobva vaenda pazororo kusvika musi wa 6 Ndira.

Asi Kadewere haasi riye ega ari kuenda kuzororo ari murufaro zvichiteverawo Talent Chawapihwa uyo akabatsira Amazulu kurova Chippa United 3-1.

Izvi zvauya mushure mekunge muraridzi wemuno Kaitano Tembo akafambawo nechikwata chake cheSupersport ndokunorova Baroka 3-1 nekuenda pachinhanho chechina mugungano rezvikwata makumi maviri.

Mumwe murairidzi ari kufara akatarisana nezororo ndewemaWarriors, Zdravko Logarusic.

Chirikumufadza matambiro aOvidy Karuru uyo nezuro akabika chibodzwa cheBlack Leopards mukurohwa kwayo 2-1 neMoroka Swallows mushure mekukanda zvibodzwa zvese zviviri apo Leopards yakaita mangange 2-2 neKaiser Chiefs pakati pesvondo,

Ligarusic akashoropodzwa apo akadaidza Karuru kumaWarriors asina chikwata chaaitambira pamitambo yeZimbabwe neAlgeria.

Chimwe chirikufadza Logarusic kusimuka kwaKhama Billiart uyo pamitambo miviri yapfuura atamba zvinodadisa nekubika zvibodzwa zveKaiser Chiefs.

Asi Andy Rinomhota haana kufambirwa zvakanaka mushure mekunge chikwata chake cheReading chakanorohwa 3-1 neBrentford mugungano repasi reChampionship kuBritain.

Marshall Munetsi akatorawo poindi yakakosha kunze kwemusha apo Reims yakashanya ndokunoita 1-1 neReims kuFrance.

Zimbabwe irikuda vatambi vese ava mumitambo yayo ye2022 Africa Cup of Nations ne 2022 World Cup.

Aimbotambira maWarriors Joe Mugabe anoti Zimbabwe ikaunganidza vatambi vayo vese vari kurura kunze kwenyika ari kuona maWarriors achibudirira pamitambo neBotswana, Ethiopia, Ghana, South Africa neZambia,

Vatambi vakawanda vari kunze kwenyika vanowanzodzoka kumusha panguva ino yezororo rekisimusi sezvo mitambo inombomira kutambwa.Asi gore rino zvinogona kunetsa nenyaya yechirwere cheCovid-19.

Nyaya Ina Michael Kariti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG