Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhomba yeCovid-19 Yakagadzirwa neModerna Yotanga Kubayiwa muAmerica


Mabhotoro ane mushonga wenhomba yecoronavirus unogadzirwa nekambani yeModerna

Mushonga wenhomba, kana kuti ‘vaccine’, wekudzivirira chirwere che Covid-19, unogadzirwa nekambani yeModerna, wakatanga kubayiwa vanhu muAmerica nemusi weMuvhuro.

Moderna yakapiwa mvumo yekushandisa mushonga uyu mazuva matatu apfuura mushure mesvondo kambani yePfizer yapihwavo mvumo yekutanga kubayiwa vanhu.

Izvi zvinoreva kuti America yave nemishonga yenhomba miviri panguva iyo chirwere ichi chiri kuwedzera munyika iyi nekune dzimwe nyika.

Dr Simbiso Ranga, vanoshandira mudunhu reNorth Carolina, vanoti pari zvino vanhu havakwanisi kusarudza mushonga wavanoda kubaiwa vachiti chinangwa parizvino ndechekubaya nhomba vanhu vakawanda nemishonga yese kuitira kudzivirira kubatwa nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG