Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vofa neCovid-19 neMugovera


Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa nechirwere ichi neMugovera.

Munhu mumwe chete akafa kuBulawayo mumwe akafa kuMatabelaland South zvasiya huwandu hwevanhu vafa hwave mazana matatu ane gumi nevasere kana kuti 318.

Vanhu zana nevana kana kuti 104 vakabatwa nechirwere ichi neMugoveras wakare. Pavanhu ava makumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 98 vakabatwa nacho munyika zvikuru muHarare neBulawayo. Vamwe vatanhatu vatyairi vemarori vakabva kuMozambique.

Kusvika parizvino vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zvuru gumi nezviviri zvine zana nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 12,151.

Vanhu vapora vave zvuru zvipfumbamwe nemazana mapfumbamwe ane makumi masere nevana kana kuti 9, 984 mushure mekunge vanhu makumi mapfumbamwe kana kuti 90 vapora.

Vanhu vachiri kurwara vave churu chimwe chete nemazana masere ane makumi mana nemapfumbamwe kana kuti 1, 849.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG