Accessibility links

Breaking News

VaTrump naVaBiden Vopesana Pfungwa paNyaya Iri Kupomerwa Russia yeKusora America


VaTrump naVaPutin
VaTrump naVaPutin

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kuti vanhu venyika yavo havafanire kunyanya kuvhunduka mashoko ekuti Russia yakasora magwaro akakosha mumapazi ehurumende yeAmerica uye mamwe makambani emunyika iyi.

Mashoko aVaTrump aya ari kupesana negurukota ravo rinoona nezvekudyidzana nemashoko VaMike Pompeo uye nhengo dzedare reparamende nemasangano evasori vari kuti Russia ndiyo yakaita izvi ichiba zvinyorwa zvakakosha .

Mushure mekunyarara kwemazuva akawanda, VaTrump vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti havana chokwadi kuti izvi zvakaitwa neRussia vachiti inogona kunge iri China. Vakatiwo vatori venhau ndivo vari kunyepa. Kusora uku kunonzi kwakatangwa muna Kurume.

VAsi aTrump vakatiwo vanhu vavasiri kuziva ava vanogona kunge vakasora michina yekuvhota. Asi vaiona nezvesarudzo avo vakadzingwa basa naVaTrump, VaChristopher Krebs varamba zvekuti michina yekuvhota yakanganiswa vachiti pose panovhotwa munhu anenge aine bepa rinozoiswa mumuchina uye mapepa aya aripo.

VaKrebs vati izvi zvakaitwa kuGeorgia, Michigan, Wisconsin ne Arizona. Sachigaro wezvekusora muSenate Vaarco Rubio varambawo mashoko aVaTrump ekuti Russia haine nechekuita nekusora uku vachiti inofanira kurangwa zvakakodzera.

Kunze kweAmerica makambani eku Canada, Mexico, Britain, Belgium, Israel ne United Arab Emirates akasorwawo. Vachangosarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vanoti vari kushushikana zvikuru nekusorwa kwemapazi ehurumende nemakambani.

Vatiwo semutungamiri wenyika havasi kuzoregerera makudo neanokamhina panyaya dzekusora America. VaBiden vari kutarisirwa kutora mhiko yekutungamira musi wa 20 Ndira.

Zvichakadaro, VaBiden neMugovera vakadomawo chikwata chavo chinenge chichitungamira bazi rezvemamiriro ekunze. Vari kutungamira chikwata ichi ndiAmai Deb Haland vanova munhu wekutanga wevanhu vagara muAmerica kana kuti Native American kuva gurukota rinotungamira bazi iri.

Chikwata ichi chine vanhu vatanhatu vari kurumbidzwa nevanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika sevanhu vane ruzivo rwakadzama.

VaBiden vakavimbisa kukoshesa kuchengetedzwa kwemamiriro ekunze uye kudzokera muchibvumirano cheParis Climate Agreement icho VaTrump vakabuda vachiramba kuisa musoro pamwe chete nevamwe vatungamiri kuona kuti mweya wekufema hausvibiswe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG