Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vofa neCovid-19 Kusanganisira Mumwe Mukuru weChikoro kuMasvingo


Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa nechirwere ichi. Munhu mumwe chete akafa kuManicaland neMasvingo.

Bepanhau reThe Masvingo Mirror rinoti akashaya mudunhu iri mukuru wechikoro cheMukaro High Amai Pauline Dzapasi avo vakashaya neChishanu vakavigwa neSvondo.

Varairidzi vose vapachikoro ichi vanzi vambondogara pavo voga pasina mhuri pachityirwa kupararira kwechirwere ichi. Vana vechikoro avo vakavhara neChishanu vanziwo vari kuongororwa.

Mukuru wezvehutano mudunhu reMasvingo Dr Amadeu Shamu vakatenda kuti Amai Dzapasi vakashaya mushure mekurwara nechirwere cheCovid-19. Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave mazana matatu nemakumi maviri kana kuti 320.

Vanhu zana nemakumi manomwe nevana vabatwa nechirwere ichi nemusi weSvondo. Vakawanda vacho vari muHarare uye matunhu ose ane vanhu vakabatwa nechirwere ichi nezuro kunze kwekuMashonaland West.

Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga hwave pazvuru gumi nezviri zvine mazana matatu nemakumi maviri nemashanu kana kuti 12, 325.

Vanhu pora kubva kuchirwere ichi vave zvuru gumi zvine nemakumi maviri nevana kana kuti 10, 024 mushure mekunge vamwe vanhu makumi mana vapora kubva kuchirwere ichi. Vanhu vachiri kurwara vave churu chimwe chete chine mazana mapfumbamwe nemakumi masere nemumwe kana kuti 1,981.

Asi kunyangwe hazvo vanhu vari kurwara nekufa nechirwere ichi, mutungamiri wesangano revakoti reZimbawe Nurses Association VaEnock Dongo vanoti hurumende haisi kuvapa zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19 zvopa kuti vakawanda vavo varware.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana mana kana kuti 2,4 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi mashanu nemasere zvine mazana manomwe nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 58,762. Vapora vadarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirowo rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi muAfrica vanodarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi manomwe nematanmhatu ane zvuru mazana manomwe kana kuti 76,7 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana matatu negumi nevanomwe kana kuti 317,000 vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemanomwe nezvuru mazana masere kana kuti 17,8 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu kana kuti 1,6 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi mana nematatu kana kuti 43 million.


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG