Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mupunga Vonzi Vabhadhare Mitero Kubva muna 2017 Yavaimbenge Vanzi Vasabhadhare naVaChinamasa


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers rabatana nevamwe vemabhizimisi nevanorwira kodzero dzevatengi kukurudzira hurumende kuti imire kumanikidza kubhadhara muterovanoenga mupunga wekutengesa kubva kunze kwenyika.

Hurumende inoti iri kuda kuti vanotenga nekuengesa mupunga uri pasi pemakirogiramu maviri nemashanu kana kuti 25 kgs zvichidzika kuti vabhadhare mitero yavaimbenge vanzi vasabhadhare kutanga muna 2017.

Vemabhizimisi ava vainge vambobnzi vasabhadhara mutero nevaive gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa hurumende isati yaitazve chamupidigori.

Munyori mukuru mubazi rezvemari VaGeorge Guvamatanda vakati mutsamba yavo kune vemabhizimisi hapana kudududza padanho ravo iri vakati ZIMRA itange kuona kuti mitero yemakore matatu adarika yabhadharwa nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15%.

Vemabhizimisi vanoti zvichapa kuti vamwe vatovhara sezvo vagara vachitatarika uye vanorwira kodzero dzevatengi veConsumer Council of Zimbabwe vanoti izvi zvichapa kuti mutengo wemupunga ukwire zvakanyanya muzvitoro.

Hurumende inoti kutenga mupunga wakatopimwa kare uri mumaplastic kunopa kuti vanogadzira maplastic aya munyika varasikirwe nemari. Inoti vanhu vanofanira kutenga mupunga uri mumasaga vozopima muZimbabwe.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vanoti zviri kuitwa nehurumende hazvisi pamutemo uye zviri kuomesera vemabhizimisi zvakanyanya.

Hurukuro naVaDenford Mutashu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG