Meya weguta reBindura VaBrian Kembo vanoti zvaive nani kuti vanhu vakadhirikirwa nemugodhi paRan Mine pedyo nedhorobha iri vavigwe havo ipapo nekuti hapachina kana tarisiro yekuburitsa mutumbi kana mumwe chete zvawo.
Asi vati izvi zvinonetsawo nekuti hapana ari kuziva kuti mumugodhi umu mune vanhu vangani.
Vanhu vanonzi vari pakati pemakumi matatu nemakumi mana ava vakadhirikirwa nemugodhi musi wa25 Mbudzi. Vari kutungamira basa Engineer Michael Munodawafa vanoti basa rakamira nekuti mugodhi wakadhirikira zvekuti unogona kuva njodzi kune vari kuyedza kununura.
Basa rekuyedza kufukunura vanhu ava ramiswa nemvura uye kusagadzikana kwevhu repamugodhi uyu.
Munwe imweo nyaya, vamwe vanhu vatanhatu vaichera gorighe kuMatshetshe kuEsgodini vakadhirikirwawo nemugodhi uye basa rekuvafukunura rakamira zvakapa kuti imwe hama yavo ikwidze kumatare mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemamwe makurukota avo vachiti havasi kuvasuma kuti chii chichaitwa mune remangwana pakufukunura hama dzavo.
Vanhu vakawanda munyika vari kufira mumigodhi vachichera goridhe sezvo munyika musina mabasa.
Facebook Forum