Accessibility links

Breaking News

Vakaputsirwa Dzimba kuBudiriro Vokumbira VaConstantino Chiwenga Kuti Vavabatsire


Budiriro
Budiriro

Vamwe vakaputsirwa dzimba kuBuduriro pasi pemushandirapamwe unonzi Tembwe Housing Cooperative vanyora tsamba kumutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga kuti vavabatsira sezvo vari kuti mukanzuru maita huori.

Mumwe akaputsirwa imba VaEddison Zibwowa vanoti havasati havo vawana mhinduro kubva kuna VaChiwenga.

Vanotiwo vakanyora tsamba kusangano rinorwisa huori reZimbabwe Anti-Corruption Commission makore maviri adarika asi harina kutumira vanhu kuzoferefeta nyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wesangano iri VaJohn Makamure kuti tinzwe divi ravo.

Asi vachitaura nevatori venhau, gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vakati hapana kudzokera kumashure pakupwanya dzimba dzakavakwa zviri kunze kwemutemo panongopera mvura kunaya kusanganirisa vedzimba dzeTembwe dzekuBudiriro idzi.

Hurukuro naVaEddison Zibhowa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG