Accessibility links

Breaking News

Vanotakura Veruzhinji Vokwidza Mari Dzavari Kubhadharisa Vanhu Munguva yeZororo


Chitungwiza Kombis Strike

Apo veruzhinji vari kuita chipata chipata kushanyira hama neshamwari munguva yezororo rekisimusi negore idzva, vanotakura veruzhinji vari kutora mukana uyu kuwedzera mari dzinobhadharwa neveruzhinji.

Vanotakura vanhu vari kutora mukana wezororo iri kukwidza mari dzvanobhadharisa veruzhinji.

Mumwe wevanhu vasiri kufara nekukwidzwa kwemari idzi, VaMike Chegura, vanoti vakanzi vabhadhare madhora matanhatu ekuAmerica pamufambo unochiita madhora matatu ekuAmerica.

Mumwe mutyairi, VaGift Meki, vanoti sezvo vanga vasingaite mari yakawanda nekuda kwevanhu vashoma vaifamba nekuda kwemitemo yechirwere cheCovid-19, vari kutora mukana uyu kukwidza mari sezvo vachifunga kuti vanhu vakawanda vachange vachifamba munguva yezororo.

Studio7 hainakukwanisa kunzwa kumapurisa kuti achaita seyi nevanhu vari kukwikwidza mari dzekufambisa munguva yezororo.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvematunhu, Amai Marian Chombo, vanoti hurumende haina kubvumidza kukwidzwa kuri kuitwa mari dzekufambisa nemotokari dzinotakura veruzhinji dzakazviririra.

Amai Chombo vayambirawo vose vari kutakura vanhu vasina magwaro akakwana kuti vachasungwa nemapurisa.

Nguva yezororo vanotakura vanhu vanokwidza mari dzekufamba nezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kuwanda kwevanhu vanenge vachifamba pamwe nekudhura kunenge kuchiita mafuta edzimotokari panguva ino yezororo rekisimusi pamwe negore idzva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG