Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Youth Development Foundation Trust Yopa Chiedza Kune Vanotambura Kumusha


Gweta VaJames Bayanai vari kubatsira mhuri dzakasiyanasiyana kumusha kusanganisira nevasungwa vari kumajeri.
Gweta VaJames Bayanai vari kubatsira mhuri dzakasiyanasiyana kumusha kusanganisira nevasungwa vari kumajeri.

Basa rekubatsira vanoshaya chinhu chinonzi nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reTexas muAmerica, Advocate James Bayanai, chiri muropa ravo.

Kubva muna 2010, Advocate Bayanai kuburikidza nesangano ravo reZimbabwe Youth Development Foundation Trust, vari kubatsira vana vechikoro pamwe nemhuri dzinoshaya vari mumaruwa muZimbabwe kuburikidza nekuunganidza rubatsiro rwakasiyanasiyana rwunosanganisira mabhuku nezvimwe zvinodiwa mukudzidza.

Advocate Bayanai vanoti kubva nguva yavakatanga sangano reZimbabwe Youth Development Foundation Trust iri, vakwanisa kubatsira zvikoro zvakawanda kwazvo zvemunharaunda yeChirumhanzu mudunhu reMidlands pamwe neHurungwe kuMashonaland West.

Vanoti kuburikidza nesanganpo ravo, vana vezvikoro zvakawanda vanoitawo makwikwi ezviperengo, kana kuti Spelling Bee Competition, ayo anozoita kuti vanenge vabudirira vazonokwikwidzana nevamwe vana vanobva kunyika dzakasiyanasiyana dzemuAfrica.

Mwedzi wapera Advocate Bayanai nesangano ravo vakatambanudza rubatsiro rwavo vachi[inda mumajeri umo vakawanikwa vachipa rubatsiro rwechikafu pamwe ne wheelchair kuvasungwa vekujeri reChikurubi Maximum Security Prison.

Vanoti vakaberekerwa kwaChirumhanzu vakadzidza kuzvikoro zveko pamwe neMutasa mumusha weHighfield, vachizodzokera zvakare kwaHama Secondary School kuChirumhanzu kunoita zvidzidzo zvesekendari, pashure vakazoenda kuUniversity of Zimbabwe kwavakanoita zvidzidzo zvehugweta.

Muna 2015 Advocate Bayanai vakazobuda muZimbabwe vachienda kuAmerica kunoita zvidzidzo zvavo zvepamusorosoro zvehugweta paTulane University Law School kudunhu New Orleans, vakazonogara kuDallas mudunhu reTexas mushure mekupedza zvidzidzo zvavo.

Advocate Bayanai ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zviri kubatsira kusimudzira hupenyu neraramo zvevanhu vari kumusha paine tarisiro yekuvapa ramangwana rakajeka.

Hurukuro naAdvocate James Bayanai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG