Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voyambirwa Kuzvichengetedza Munguva yeCovid-19


South Africa

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira veruzhinji kuti vagare vakangwarira kusatapurirana chirwere cheCovid-19 munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.

Munyori mukuru wesangano ravanachiremba reSenior Hospital Doctors Association, Doctor Aaron Musara, vanoti zvakakosha kuti vanhu vese vabatane mukurwisa denda reCovid-19 kuburikidza nekutevedzera zvinokurudzirwa zvinosanganisira kupfeka mamasiki zvakanaka pamwe nekusaenda pakaunganwa nevanhu vakawanda.

VaMusara vanotiwo kana zvinokurudzirwa kudzivirira kutapuriranwa kweCovid-19 zvikasatevedzerwa, huwandu hwevannhu vanobatwa nechirwere ichi hunogona kukwira pazororo rekisimusi kunyanya sezvo vamwe vanhu vari kubva kunze kwenyika, kana kushanyirana.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, VaHenry Madzorera, vanotiwo zvakakosha zvakanyanya kuti vanhu vazvidzivirire kusanganisira kunyange vakamborwara nechirwere ichi vachiti Covid -19 iri kuratidza kudzoka zvine simba.

VaMadzorera vari kukurudzirawo veruzhinji kuti pazororo rekisimusi negore idzva vanhu vambomira zvekufamba famba uye vagare mudzimba pamwe nekusaenda panounganiwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano huye vari nhengo yedare reNational Assembly , Doctor VaPeter Mataruse, vari kukurudzirawo kuti vanhu vapfeke zvekuvhara kumeso nemhino dzavo zvakanaka vachiti nguva zhinji vanoona vanhu vakavhara muromo chete vakati izvi zvinokonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kunyange hazvo tisina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano nenyaya iyi, mumashoko arakabudisa pamusoro pezororo rekisimusi, bazi rezvehutano rakati riri kutarisira kukwira kwekupararira kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvirwere zvakadai seTyphoid, Cholera, neMalaria.

Bazi rezvehutano riri kukurudzirawo veruzhinji kuti vacherechedze zvese zvinodzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG