Accessibility links

Breaking News

Tendai Ndemera Otarisirwa Kuradzikwa neMusi weChishanu


Tendai Ndemera

Munyori mukuru wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemusi weChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare neChishanu masikati.

Vemumhuri yekwaNdemera vazivisa kuti mutori wemhau dzemitambo uyu acharadzikwa kuZororo Memorial Park neChishanu masikati, musi wekisimisi

Ari kutungamira basa rekuradzikwa kwaNdemera, VaChamunorwa Thomas Ndemera, avo vanove zvekare muninina wemufi, vati zvese zvave mugwara remunzira yake yemumba yekugumisira kuZororo Memorial Park.

VaNdemera vati mufi acharara mumba make nemusi weChina asati aenda kunzvimbo yake yezororo.

Asivati vari kukumbira rubatsiro rwemari yekuwedzera kubhadhara bhazi rinofanira kuzotakura veruzhinji kuenda kuZororo Memorial Park uku.

Mwanakomana mukuru waTendai Ndemera, Oliver, ati arwadzikana zvikuru nekushaya kwababa vake avo vanga vachichengeta mhuri yese.

Ndemera ane nhoroondo yakasimba mukunyora nezvemitambo mushure mekushandira Herald, Sunday Mail, Daily Gazette neStudio 7.

Ndemera akadzingwa basa kuZimpapers muna Kukadzi 2004 achipomerwa mhosva yekuva mutori wenhau weStudio7.

Vamwe vatori venhau vaviri vakadzingwa neZimpapers vachipomerwa mhosva yekushandira Studio7 ndiRobson Sharuko naRex Maphisa.

Sangano re Reporters Without Boarders rakakurudzira Zimpapers kuti idzosere vatori venhau ava pabasa, asi izvi hazvina kuitika kunze kwa Sharuko.

Zimbabwe Media Commission, kuburikidza nemukuru wayo panguva iyi, VaTafataona Mahoso, yakati zvakaitwa zvekudzinga Ndemera nevamwe vake basa zvaive mugwara nekuti Voice of America yaishanda nechinangwa chekuvhiringa kugadzikana kweZimbabwe.

Tendai Ndemera and family
Tendai Ndemera and family

Ndemera, uyo aivikinwa nerekuti Ndem Ndem, akashaya ave nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, uye asiya vana vanomwe nevazukuru vatanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG