Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votadza Kuwana Mari Dzavo kuMabhanga


Tendayi Nyamunduri New Patriotic Front Leader
Tendayi Nyamunduri New Patriotic Front Leader

Vanhu vakawanda vari kutadza kutora mari dzavo kumabhanga nepama ATM izvo vati zvichakanganisa zororo ravo rekisimusi.

Mumwe wevatadza kuwana mari yavo kubhanga reCABS, VaTonderai Mushipe, vati vari kunzi mari hakuna mumabhanga .

VaMushipe vati zviri pachena kuti mari iri kuiswa mumigwagwa sezvo
vave nemazuva maviri vachishaya mari mubhanga.

Asi vamwe vanoti vawana mari kubhanga reCommercial Bank of Zimbabwe-CBZ-asi vanga vachipihwa mari inoita madhora chiuru chimwe chete pamunhu iyo vati haikwane.

VaCrispen Nhari, avo vapihwa chiuru chemadhora, vati mari iyi haikwane
ivo nemhuri yavo ine vana vatanhatu sezvo iri shoma zvikuru.

Patabvunza kuti sei vasingashandise Swipe kana Ecocash mukutenga
zvinhu muzvitoro, VaNhari vati zvinoita kuti zvinhu zvavanenge vachitenga zvidhure nekuda kwemari inozoiswa pamusoro.

VaNhari vati zvinhu zvakaita serendi yedzimba nemotokari dzekufambisa ZVInoda mari kwete Swipe kana Ecocash.

Murimi wekuMakonde, VaDesmond Kwangwari, vati vanoda mari yavo uri
musvo KUITIRA kuti vakwanise kubhadhara vashandi vavo.

Mukuru webhanga reCBZ muChinhoyi, Amai Nyarie Mandingaisa, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti titaure nemutauriri weCBZ, Muzvare Matilda Nyathi, avo vanga vasingabatike panharembozha yavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumamwe mabhanga ari muChinhoyi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kudiwa kwemari panguva ino yezororo kwakwira uye zvinhu zvinokwaniswa kutengwa nemutengo wakaderera kana munhu achishandisa madhora zvichienzaniswa nemunhu ari kubhadhara neSWIPE kana Ecocash.

Zvinhu zvanyanya kurwadza vanhu vakawanda muChinhoyi ndezvekuti vanhu vanotengesa mari pamukoto pedyo nebhanga reCBZ vanga vaine mari yemunyika itsva izvo vanhu vari kufunga kuti iri kubva mumabhanga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG