Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nezuro vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Vakafanobata chigaro chemeya weHarare, VaStewart Mutizwa, vati zviri pachena kuti guta reHarare ndiro ranyanyovhiringwa nechirwere ichi, nekudaro vanhu ngavagare mudzimba sezvakataurwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati vatatu ava vagare mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekusendeka parutivi mimwe mwedzi mitanhatu.
Amai Sibanda, avo vanoshanda segweta, vanoti vakaita pfungwa yekunyora bhukuru iri nechinangwa chekuti mwana wavo ane makore maviri adzidze mitauro miviri iyi kuitira kuti asazorasikirwa nechivanhu chake.
Mutauriri weJudicial Services Commission, Muzvare Rumbidzai Takawira, vati kunyange hazvo matare anenge akavhurwa panguva iyi, haakwanisi kuita mabasa awo sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezvimwe zvipingaidzo.
Vagari vemudunhu reGeorgia muAmerica vari kuvhota neChipiri musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa, kana kuti run-off, iyo yakakosha zvikuru pakati pemapato eRepublican Party neDemocratic Party, sezvo bato richatora zvigaro zviviri izvi richave ndiro rine masimba mudare reseneti.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera veruzhinji.
Nyaya yekumbovharwa kwemakambani akawanda uye kuti vanhu vagare mudzimba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus chakomba munyika iri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichapa kuti hupfumi hwenyika hutoramba hwakananga kumawere.
Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawu, vanoti mutumbi waVaRoy Dikinya, avo vakadonhera mugomba riri pamapopoma eVictoria Falls zuva regoredzva, wakawanikwa asi havasati vakwanisa kuutora kubva pawakadonhera.
Zvichakadaro, vakuru vemabhizimisi makuru muAmerica vanopfuura mazana maviri, vakanyorera paramende yeAmerica tsamba vachikurudzira kuti nemusi weChitatu ione kuti VaBiden havavhiringwi mukuve mutungamiri wenyika.
Hurumende neMuvhuro yakasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti chekuti dare ripe mutongo wekuti meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukanzuru yeHarare vasabvumidzwe kubuda mujeri kusvika mhosva yavo yatongwa.
Rodhai zvimwe