Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vanoti vari kugadzirisa zvipatara zvemachechi zvakawanda kumaruwa, kuzviwanisa mvura yakachena, kuwanisa vashandi zvipfeko zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi, pamwe nekuwanisa vanhu zvekudya munguva ino ye lockdown.