Nyanzvi dzehutano dzinoti panofanirwa kutsvagwa nzira dzokuona kuti varwere veCovid 19 vaongororwe hutano hwepfungwa dzavo nokuti vazhinji vavo vari kunyanya kushushikana nekudzamisa pfungwa zvakanyanyisa pavanenge vachirwara izvo zvinozopa kuti vaite zvirwere zvepfungwa.
Mutauriri wedare rehouse Of Representatives muAmerica amai Nancy Pelosi vanoti vapa mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaMike Pence zuva rimwe chete rekuti vagare pasi nedare remakurukota kuti vamanikidze mutungamiri wenyika Va Donald Trump kuti vasiye basa.
Mapurisa neMuvhuro akasunga mutauriri webato rinopikisa reMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere richivapomera mhosva yekuda kukurudzira vanhu kuita mhirizhonga
Chirwere cheCovid-19 chave kuvhiringidza dunhu reMashonaland West zvichitevera kufa kwevanhu vana, vamwe makumi mashanu nemumwechete vachibatwa nechirwere ichi mudunhu diki reKariba.
Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwasvika pamazana mashanu nevanomwe, kana kuti 507, zvichitevera kushaya kwevanhu makumi maviri nevana kana kuti 24 neSvondo.
VaNgwenya vanoti nyika haiendereri mberi kana hurumende ichingoita basa rekutandanisana nekusunga vatori venhau, vemapato anokwikwidza pamwe chete nevanorwira kodzero dzevanhu, vachiti hurumende inofanira kutora vanhu semadzisahwira mukusimudzira nyika kwete kupedza nguva ichisunga vanhu.
Zimbabwe Republic Police yazivisa kuti kubva nhasi, vanhu vanenge vashaya, vachangochengeterwa mumaguta mavanenge vashaikira, zvinoreva kuti hapachina zvokuenda nezvitunha ku maruwa kana munhu afira mudhorobha.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kushora zvikuru hurumende nekusunga mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala, meya weguta reHarare akamiswa basa VaJacob Mafume uye mutori wenhau VaHopewell Chin’ono.
Kunyange zviri kukurudzirwa kuti vanhu vagare mudzimba, vapfeka mamasiki nguva dzose pamwe nekugara kure nakure, vakawanda kumaruwa havasi kutevedzera izvi.
Nhengo dzakawanda dzedare reCongress muAmerica dziri kuti mutungamiri wenyika VaDonald Trump vanofanira kutorerwa matanho ekumanikidzwa kusiya basa sezvo vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga.
Vanhu gumi nevashanu kana kuti 15 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika neMugovera vamwe mazana masere nenakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 839 vakabatwa nechirwere ichi.
Mutori weNhau, Hopewell Chin’ono, achitaura ari kumatare muHarare. Chin'ono anoti ari kushungurudzwa nekuti ari kuburitsa huori
Rodhai zvimwe