Bazi rinoona nezvemvura munyika reZimbabwe National Water Authority, Zinwa, razivisa kuti dhamu reTokwe Mukosi rave nemvura inosvika zvikamu makumi masere namatanhatu kubva muzana, kana kuti 86%.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kudhindwa kwemari yemadhora makumi mashanu kuri kuda kuitwa neReserve Bank of Zimbabwe, kunogona kupa kuti dhora renyika rishaye simba.
Chitatu America iri kugadza mutungamiri mutsva, VaJoe Biden, pamwe nemutewedzeri wavo Amai Kamala Harris, pamabiko achaitirwa muWashington DC., paine kuchengetedzwa nemauto kusati kwamboonekwa munhoroondo yeAmerica pakutoreswa mhiko kwemutungamiri wenyika.
Mumwe mudzimai akaratidza hushing muHarare apo akasiya vana nemurume achienda kunochengeta vabereki vake vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.
Mutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, muzvare Fadzayi Mahere, avo vari kupomerwa mhosva yekuburitsa manyepo padandemutande reTwitter neMuvhuro vakabhadhariswa mari yechibatiso zviuru gumi zvemadhora emadhora emar yemuno kuti vatongwe vachibva kumba.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu kuti vasangonwe, kuputa kana kunatira mimwe mishonga pasina ongororo yakadzama kuti zvinobatsira kana vachinge vabatwa nechirwere cheCovid-19.
Sangano rematikitivha muAmerica reFBI rinoti ratanga kuferefeta mauto ose anosvika zviuru makumi maviri nemashanu vari muwashington dc kuzochengetedza vakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika vajoe biden apo vachatora mhiko nemusi wechitatu.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti ikoshese hurongwa hwekutevera vanhu vangadai vakasanagana nevanhu vane chirwere cheCovid-19, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera chirwere ichi.
Vanhu vemuAmerica neMuvhuro vainge vari pazororo rekurangarira mushakabvu Martin Luther King avo vairwira hutongo hwejekerere vachikurudzira vanhu kuti vasaite zvemhirizhonga.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Human Rights Association kana kuti Zimrights, Amnesty International neZimbabwe National Editors Forum ari kushora zvikuru kusungwa kwevanopikisa.
Rodhai zvimwe