Hurumende neMuvhuro yakasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti chekuti dare ripe mutongo wekuti meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori mukanzuru yeHarare vasabvumidzwe kubuda mujeri kusvika mhosva yavo yatongwa.
Vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe Cricket vamisa mitambo yese kusanganisira makundano ezvikwata zvemuno eT20 Logan Cup ayo anga achifanira kutanga neMuvhuro mangwanani.
Apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vatange kugara mumba kutanga mangwana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti vangwarire kutapurirwa chirwere sezvo parizvino vanhu vari kuvhenekwa vachiri vashoma.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamwe nevakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika vakamirira kugadzwa, VaJoe Biden, neMuvhuro vari kutarisirwa kupinda mudunhu reGeorgia kunobatsira nhengo dzemapato avo kutsvaga rutsigiro.
VaTrump vakaita awa yose vari parunhare vachiedza kunyengetedza VaRaffensperger kuti vavawanire mavhoti anoita zviuru gumi nechimwe, zvine mazana manomwe nemakumi masere (11,780) kuti vagonzi ndivo vakakunda mudunhu iri, kwete VaJoe Biden.
Dare remajaji mashanu iri rakatonga kuti vakachata zviri pamutemo vanogona kusiya hupfumi hwavo kumunhu wavanoda asiri wavakange vakawanana naye.
Sangano reWomen’s Academy For Leadership And Political Excellence (WALPE) rinoti raendesa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kudare repamusoro redzimhosva kuvamanikidza kuti vatevere bumbiro remutemo mukupa vanhukadzi mikana ye zvehutungamiri yakaenzana neye vanhurume.
Vakaremara vari kukurudzirwa kuti vanyore mabhuku pamusoro pezvavanosangana nazvo vasingamirire zvinyorwa zvionoitwa nevanhu vasinganyatsonzwisise zvishuvo zvavo.
Nhengo dzedare reSenate muAmerica kubva kubato remaRepublicans dzinoti dziri kuzobatana nemutungamiri wenyika VaDonald Trump mukuyedza kuramba kutambira zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika idzo dzinofanira kutambirwa zviri pamutemo nedare reHouse of Representatives neSenate musi wa 6 Ndira.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi nemusi weSvondo vakadzokorora kuti mauto nemapurisa achashanda kuona kuti vanhu vatevedzera kurudziro yemutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga neMugovera yekuti vagare mudzimba.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vasere vafa nechirwere ichi nemusi weMugovera.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati sebato vari kushushikana zvikuru nekufa kwaVaEmmanuel Chimwanda, avo vanga vari munyori wezvekuchengetedzwa kwenyika.
Rodhai zvimwe