Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yokurudzira Kutevedzwa kweMitemo Yakatarwa neHurumende


Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water
Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water

Kanzuru yeguta reHarare iri kukurudzira vagari kuti vatevedzere mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vakafanobata chigaro chemeya weHarare, VaStewart Mutizwa, vati zviri pachena kuti guta reHarare ndiro ranyanyovhiringwa nechirwere ichi, nekudaro vanhu ngavagare mudzimba sezvakataurwa nehurumende senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

VaMutizwa vayambirawo vanotengesa zvinhu zvavo mumugwagwa kuti vatevedzere mitemo yakatarwa nehurumende, uye vagare kudzimba dzavo munguva ino.

VaMutizwa vaudza vatori venhau kuti kanzuru ichatora mukana wekuvharwa kwenyika kuchenesa guta.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Amai Barbara Depetepe, avo vanorarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa, vaudza Studio 7 kuti nzara ndiyo inovasunda kuti vabude mudzimba vachinotsvaka cheuviri zvisinei nechirwere chatekeshera ichi.

Mumwewo mugari, Muzvare Tendai Chiduku, vatiwo kanzuru yeHarare inongogona kutaura chete vachitiwo havaoni kanzuru ichichenesa guta munguva iyo guta rinenge rakavharwa.

Hurumende yakaisa mutemo weNational Lockdown Level Four kwemazuva makumi matatu senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chakabata vanhu chiuru chimwe chete nemazana matatu ane makumi matanhatu nevashanu nezuro, uye kuuraya vanhu makumi matatu nevana nezuro wakare.

VaMutizwa vatiwo zvipatara zvekanzuru yeHarare zviri kugadzirirawo kutambira varwere vakawanda sezvo vanhu vari kubatwa nechirwere ichi vari kukwira muguta reHarare.

Vanhu mazana manomwe nemakumi manomwe nevanomwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 muHarare nemusi weChipiri, uye vanhu gumi vakafa nechirwere ichi nezuro.

Kusvika nezuro, guta iri ranga rarasikirwa nevanhu zana nemakumi manomwe nevana, kana kuti 174, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi muHarare chete vava zviuru zvishanu nemazana manomwe nevanomwe, kana kuti 5,707.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG